1 Samueri 16:13 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 13 Saka Samueri akatora nyanga yemafuta,+ akamuzodza vakoma vake varipo. Mweya waJehovha wakatanga kupa Dhavhidhi simba kubva pazuva iroro zvichienda mberi.+ Gare gare Samueri akasimuka, akaenda kuRama.+ 2 Samueri 2:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Varume veJudha vakabva vaenda vakazodza Dhavhidhi ikoko kuti ave mambo weimba yaJudha.+ Vakaudza Dhavhidhi kuti: “Varume vekuJabheshi-giriyedhi ndivo vakaviga Sauro.” 2 Samueri 5:3 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Saka vakuru vese vaIsraeri vakauya kwaiva naMambo Dhavhidhi kuHebroni, uye mambo akaita sungano navo+ pamberi paJehovha muHebroni. Vakabva vazodza Dhavhidhi kuva mambo wevaIsraeri.+
13 Saka Samueri akatora nyanga yemafuta,+ akamuzodza vakoma vake varipo. Mweya waJehovha wakatanga kupa Dhavhidhi simba kubva pazuva iroro zvichienda mberi.+ Gare gare Samueri akasimuka, akaenda kuRama.+
4 Varume veJudha vakabva vaenda vakazodza Dhavhidhi ikoko kuti ave mambo weimba yaJudha.+ Vakaudza Dhavhidhi kuti: “Varume vekuJabheshi-giriyedhi ndivo vakaviga Sauro.”
3 Saka vakuru vese vaIsraeri vakauya kwaiva naMambo Dhavhidhi kuHebroni, uye mambo akaita sungano navo+ pamberi paJehovha muHebroni. Vakabva vazodza Dhavhidhi kuva mambo wevaIsraeri.+