-
Eksodho 14:21, 22Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
21 Mozisi akabva atambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa;+ uye Jehovha akadzorera shure gungwa achishandisa mhepo yekumabvazuva ine simba usiku hwese, achiita kuti pasi pegungwa pachinje kuva nyika yakaoma,+ uye mvura yakakamurwa.+ 22 Saka vaIsraeri vakapfuura nepakati pegungwa panyika yakaoma,+ uye mvura yakanga yakaita semadziro kuruoko rwavo rwerudyi nekuruboshwe kwavo.+
-