-
Nehemiya 9:10, 11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Makabva maitira Farao nevashandi vake vese nevanhu vese vemunyika yake zviratidzo nezvishamiso,+ nekuti maiziva kuti vaizvikudza+ pamberi pavo. Makaita kuti zita renyu rive nemukurumbira uchiripo nanhasi.+ 11 Makakamura gungwa pamberi pavo, zvekuti vakayambuka gungwa nepakaoma,+ uye makakanda vaivatevera munzvimbo dzakadzika, sedombo rakandwa mumvura isina kugadzikana.+
-