-
Numeri 13:26, 27Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
26 Saka vakadzoka kurenje reParani, kuKadheshi+ kwaiva naMozisi naAroni neungano yese yevaIsraeri. Vakadzoka neshoko kuungano yese, vakavaratidza michero yenyika yacho. 27 Izvi ndizvo zvavakaudza Mozisi: “Takapinda munyika yamakatituma, chokwadi inoyerera uchi nemukaka,+ uye izvi ndizvo zvibereko zvayo.+
-
-
Dheuteronomi 6:10, 11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 “Jehovha Mwari wako paachakupinza munyika yaakapika kumadzitateguru ako Abrahamu, Isaka, naJakobho kuti achakupa,+ ine maguta makuru, akanaka ausina kuvaka,+ 11 dzimba dzakazara zvinhu zvakasiyana-siyana zvakanaka zvausina kushandira, matsime akacherwa pamatombo ausina kuchera, uye minda yemizambiringa nemiti yemiorivhi yausina kudyara, wodya woguta,+
-
-
Dheuteronomi 8:7-9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 Nekuti Jehovha Mwari wenyu ari kukupinzai munyika yakanaka,+ nyika ine hova dzemvura, zvitubu nezvisipiti zvinoyerera mubani nemumakomo, 8 nyika yegorosi nebhari, yemizambiringa, mionde, nemipomegraneti,+ nyika yemafuta emaorivhi neuchi,+ 9 nyika isingazoshayikwi zvekudya uye isina chamunozoshayiwa, nyika ine matombo ane simbi uye yamuchachera mhangura mumakomo ayo.
-