RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 25:18-21
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 18 Mukuru wevarindi akatorawo Seraya+ mutungamiriri wevapristi, nemupristi wechipiri Zefaniya+ nevachengeti vemasuo vatatu.+ 19 Uye akatora mumwe mukuru wemumuzinda muguta racho uyo aiva nechinzvimbo chepamusoro muuto, nevanhu vashanu vaiva shamwari dzepedyo dzamambo vakawanikwa muguta, nemunyori wemukuru weuto, uya aiunganidza vanhu vemunyika yacho, nevarume 60 pavanhu vemunyika yacho vakanga vachiri muguta. 20 Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi akavatora, akaenda navo kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra.+ 21 Mambo weBhabhironi akavabaya akavauraya kuRibra munyika yeHamati.+ Saka vaJudha vakatapwa kubva munyika yavo.+

  • 2 Makoronike 36:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Saka akaita kuti mambo wevaKadheya+ auye kuzovarwisa, uyo akabva auraya majaya avo nebakatwa+ munzvimbo yavo tsvene;+ haana kunzwira tsitsi jaya kana mhandara, akwegura kana anorwara.+ Mwari akaisa zvese muruoko rwake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe