RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 11:11, 12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Pazuva iroro Jehovha achapazve ruoko rwake, kechipiri, kuti atore vanhu vake vashoma vakasara kuAsiriya,+ kuIjipiti,+ kuPatrosi,+ kuKushi,+ kuEramu,+ kuShinari,* kuHamati, nekuzvitsuwa zvegungwa.+ 12 Achamisira marudzi chiratidzo,* ounganidza vaIsraeri vakapararira,+ uye achaunganidza vaJudha vakapararira achivabvisa kumativi mana enyika.+

  • Isaya 60:8, 9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  8 Ndivanaani ava vanouya vachibhururuka segore,

      Senjiva dziri kuuya kuzvirugu zvadzo?*

       9 Nekuti zvitsuwa zvichatarisira kwandiri;+

      Ngarava dzeTashishi ndidzo dziri pamberi,

      Kuti dziunze vanakomana vako kubva kure,+

      Pamwe chete nesirivha yavo negoridhe ravo

      Kuzita raJehovha Mwari wako nekuMutsvene waIsraeri,

      Nekuti achaita kuti ukudzwe.*+

  • Zekariya 10:10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Ndichavadzosa kubva kunyika yeIjipiti

      Uye ndichavaunganidza kubva kuAsiriya;+

      Ndichavaunza munyika yeGiriyedhi+ neRebhanoni,

      Uye vachange vasisina nzvimbo inovakwanira.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe