RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 6:9, 10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  9 Iye akapindura achiti: “Enda kuvanhu ava unoti:

      ‘Muchanzwa manzwazve,

      Asi hamuzonzwisisi;

      Muchaona maonazve,

      Asi hapana kana ruzivo rwamuchawana.’+

      10 Ita kuti mwoyo yevanhu ava irege kuteerera,+

      Ita kuti nzeve dzavo dzisanzwa,+

      Uye nama maziso avo,

      Kuti maziso avo arege kuona

      Uye nzeve dzavo dzirege kunzwa,

      Kuti mwoyo yavo irege kunzwisisa

      Uye kuti varege kutendeuka voporeswa.”+

  • Mateu 13:11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Akapindura kuti: “Imi makapiwa kunzwisisa zvakavanzika zvitsvene*+ zveUmambo hwekudenga, asi ivo havana kupiwa kunzwisisa.

  • Mateu 13:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Ndokusaka ndichitaura navo ndichishandisa mifananidzo; nekuti vanotarisa, asi vachitarisa pasina, uye vanonzwa, asi vachinzwa pasina, uyewo vasingabati zviri kutaurwa zvacho.+

  • Mako 4:11, 12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Akati kwavari: “Imi makapiwa chakavanzika chitsvene*+ cheUmambo hwaMwari, asi kuvanhu vari kunze zvese zvinongoramba zviri mumifananidzo,+ 12 kuti kunyange vachitarisa, vatarise asi vasingaoni, uye kuti kunyange vachinzwa, vasambobata zviri kutaurwa; uye havafi vakatendeuka kuti vakanganwirwe.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe