Johani 3:16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 16 “Nekuti Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga,+ kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.+ Johani 6:40 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 40 Nekuti uku ndiko kuda kwaBaba vangu, kuti munhu wese anobvuma Mwanakomana otenda maari ave neupenyu husingaperi,+ uye ini ndichamumutsa+ pazuva rekupedzisira.” Johani 8:51 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 51 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, kana munhu akachengeta shoko rangu, haazombooni rufu.”+
16 “Nekuti Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga,+ kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.+
40 Nekuti uku ndiko kuda kwaBaba vangu, kuti munhu wese anobvuma Mwanakomana otenda maari ave neupenyu husingaperi,+ uye ini ndichamumutsa+ pazuva rekupedzisira.”