-
Dhanieri 7:13, 14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 “Ndakaramba ndakatarisa zvinhu zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe munhu akafanana nemwanakomana wemunhu+ achiuya aine makore ekudenga; akasvika kune Wemazuva Mazhinji,+ uye vakamuswededza pamberi pake. 14 Akapiwa ushe+ nekukudzwa,+ neumambo, kuti vanhu vemarudzi ese, nenyika, nemitauro yakasiyana-siyana vamushumire.+ Ushe hwake ushe hunogara nekusingaperi, husingazobviswi, uye umambo hwake hahuzoparadzwi.+
-