-
Isaya 9:6, 7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
Zita rake richanzi Chipangamazano Anoshamisa,+ Mwari Ane Simba,+ Baba Vasingagumi, Muchinda weRugare.
7 Utongi hwake huchangoramba huchikura*
Uye kana ruri rugare ruchangoramba ruripo+
Pachigaro cheumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake,
Kuti ahusimbise+ uye ahutsigire
Kuburikidza nekutonga zvakanaka+ uye kururama,+
Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.
Jehovha wemauto uyo anoshingaira, achazviita.
-