Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
27 Jehovha ndiye chiedza+ changu noruponeso rwangu.+
Ndingatya aniko?+
Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu.+
Ndingadedereswa naaniko?+
2 Vanoita zvakaipa pavakaswedera pedyo neni kuti vadye nyama yangu,+
Ivo zvavaiva mhandu dzangu nevavengi vangu,+
Vakagumburwa vakawa.+
3 Kunyange boka rikandidzikira tende kuti rindirwise,+
Mwoyo wangu hauzotyi.+
Kunyange ndikamukirwa nehondo,+
Panguva iyoyowo ndichavimba naye.+
4 Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha+—
Ndicho chandichatsvaka,+
Kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu,+
Kuti ndione kufadza kwaJehovha+
Uye kuti nditarire temberi yake ndichionga.+
5 Nokuti achandivanza munzvimbo yake yokuvanda pazuva redambudziko;+
Achandiviga munzvimbo yakavanda yetende rake;+
Achandiisa pamusoro pedombo.+
6 Zvino musoro wangu uchava pamusoro pevavengi vangu vakandikomba;+
Ndichabayira zvibayiro zvokushevedzera kwokufara patende rake;+
Ndichaimba, ndoimbira Jehovha rwiyo.+
8 Mwoyo wangu wakati nezvenyu: “Tsvakai kunzwirwa nyasha neni.”+
Haiwa Jehovha, ndichatsvaka kunzwirwa nyasha nemi.+
9 Musandivanzira chiso chenyu.+
Musadzinga mushumiri wenyu makatsamwa.+
Ivai rubatsiro rwangu.+
Musandirasa uye musandisiya, haiwa Mwari woruponeso rwangu.+
11 Haiwa Jehovha, ndirayiridzei munzira yenyu,+
Uye nditungamirirei mugwara rokururama nokuda kwevavengi vangu.
12 Musandiisa kumweya wemhandu dzangu;+
Nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira,+
Naiye anobudisa chisimba.+
13 Kudai ndakanga ndisina kuva nokutenda mukuona kunaka kwaJehovha munyika yevapenyu+—!