Zvirevo
2 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira zvandinotaura,
Wochengeta mirayiro yangu,+
2 Uchinyatsoita kuti nzeve yako iteerere uchenjeri+
Uye mwoyo wako ude ungwaru;+
3 Uyezve, kana ukachemera kunzwisisa+
Uye ukashevedzera kuti uwane ungwaru;+
4 Kana ukaramba uchizvitsvaga sesirivha+
Uye ukaramba uchizvitsvaga sepfuma yakavanzwa;+
5 Uchabva wanzwisisa kutya Jehovha,+
Uye uchawana ruzivo pamusoro paMwari.+
7 Anochengetera vanhu vakarurama uchenjeri hunobatsira;
Iye inhoo yevaya vanofamba vakaperera kwaari.+
9 Uchabva wanzwisisa chinonzi kururama, kutonga zvakarurama, uye kusasarura,
Nzira yezvinhu zvese zvakanaka.+
10 Uchenjeri pahunopinda mumwoyo mako+
Uye ruzivo parunofadza mweya* wako,+
11 Kukwanisa kunyatsofunga kucharamba kuchikurinda,+
Uye ungwaru huchakuchengetedza,
12 Kuti zvikuponese panzira yakaipa,
Pamunhu anotaura zvinhu zvakatsauka,+
13 Pavaya vanosiya makwara ekururama
Vachifamba munzira dzerima,+
14 Pavaya vanofadzwa nekuita zvisina kunaka,
Vanonakidzwa nezvinhu zvakatsauka, zvakaipa,
15 Vaya vane nzira dzisina kururama
Uye vanonyengera mumakwara avo ese.
16 Zvichakuponesa pamukadzi asingazvibati,*
Pamashoko anotapira* emukadzi nzenza,*+
17 Anosiya shamwari yake yepedyo yeudiki*+
Uye anokanganwa sungano yaMwari wake;
18 Nekuti imba yake inonyura ichipinda murufu,
Uye nzira* dzake dzinoenda kune vaya vasina simba vari murufu.+