Ezekieri
8 Mugore rechi6, mumwedzi wechi6, riri zuva rechishanu remwedzi wacho, pandakanga ndakagara mumba mangu, vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaChangamire Ishe Jehovha rwakandibata ndiri imomo. 2 Pandakanga ndakatarisa, ndakaona chinhu chaiita semunhu, chaiva chakaita semoto; kutangira maiita kunge muchiuno make zvichidzika maiva nemoto,+ uye kutangira muchiuno make zvichikwira, aipenya segoridhe rakasanganiswa nesirivha.+ 3 Akabva atambanudza chinhu chaiita seruoko, akabata bvudzi rezhumu remusoro wangu ndokunditakura, mweya ukanditakura nepakati penyika nedenga, ukandiendesa kuJerusarema ndichiita zvekuoneswa chiratidzo naMwari, kusuo regedhi remukati+ rakatarisa kuchamhembe, uko kwaiva kwakamira chiratidzo* chegodo, chinomutsa godo.+ 4 Zvino kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri ipapo,+ kwakaita sekwandakanga ndamboona mubani.+
5 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndapota, tarisa kuchamhembe.” Saka ndakatarisa kuchamhembe, uye ikoko kuchamhembe kwegedhi reatari ndiko kwaiva nechiratidzo ichi chegodo, chiri pekupinda napo. 6 Uye akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuona here zvinhu zvisingaiti uye zvinosemesa zviri kuitwa neimba yaIsraeri,+ zvinhu zvinoita kuti ndiende kure chaizvo nenzvimbo yangu tsvene?+ Asi uchaona zvinhu zvinosemesa zvakatoipa kupfuura ipapo.”
7 Akabva andiendesa kusuo rechivanze, uye pandakatarisa, ndakaona buri raiva pamadziro. 8 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndapota, boora madziro.” Saka ndakaboora madziro acho ndikaona suo. 9 Akati kwandiri: “Pinda uone zvinhu zvakaipa uye zvinosemesa zvavari kuita.” 10 Saka ndakapinda, ndikatarisa, uye ndakaona mifananidzo yemarudzi ese yezvinhu zvinokambaira nemhuka dzinosemesa,+ nezvidhori zvese zvinosemesa* zveimba yaIsraeri;+ mifananidzo yacho yakanga yakatemerwa pamadziro kumativi ese. 11 Uye vakuru 70 veimba yaIsraeri vakanga vakamira pamberi payo, Jaazaniya mwanakomana waShafani+ akamira pakati pavo. Mumwe nemumwe aiva nemudziyo wake wekupisira zvinonhuhwirira muruoko rwake, uye paiva negore rinonhuhwirira rerusenzi raikwira mudenga.+ 12 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuona here zviri kuitwa nevakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nemumwe ari mudzimba dzemukati makaiswa zvifananidzo zvake? Nekuti vari kuti, ‘Jehovha haasi kutiona. Jehovha abva munyika.’”+
13 Akatizve kwandiri: “Uchaona zvimwe zvinhu zvinosemesa zvakatonyanya kuipa zvavari kuita.” 14 Saka akandiendesa kusuo regedhi rekuchamhembe reimba yaJehovha, uye ikoko ndakaona vakadzi vakanga vakagara, vachichema mwari anonzi Tamuzi.
15 Uye akatizve kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuzviona here? Uchaona zvimwe zvinhu zvinosemesa zvakatoipa kupfuura izvi.”+ 16 Saka akapinda neni muchivanze chemukati cheimba yaJehovha.+ Ipapo pasuo retemberi yaJehovha, pakati pevharanda neatari, paiva nevarume vanenge 25 vakanga vakafuratira temberi yaJehovha, vakatarisa kumabvazuva; uye vaipfugamira zuva kumabvazuva.+
17 Akati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, uri kuzviona here? Zvinhu izvi zvinosemesa zviri kuitwa neimba yaJudha zvidiki here, naiko kuzadza kwavari kuita nyika nemhirizhonga,+ vachiramba vachindigumbura? Vari kutambanudzira bazi* kumhino yangu. 18 Saka ini ndicharatidza hasha dzangu. Ziso rangu harizonzwi urombo; uye handizonzwi tsitsi.+ Kunyange kana vakashevedzera munzeve dzangu nenzwi guru, ini handizovanzwi.”+