Rwiyo rwaDhavhidhi.
26 Nditongei,+ haiwa Jehovha, nokuti ndakafamba nokuvimbika kwangu,+
Ndakavimba naJehovha, kuti ndisagweda-gweda.+
2 Ndiongororei, haiwa Jehovha, mundiedze;+
Natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu.+
3 Nokuti mutsa wenyu worudo uri pamberi pangu,
Uye ndakafamba muchokwadi chenyu.+
4 Handina kugara nevanhu venhema;+
Handifambidzani nevaya vanovanza zvavari.+
5 Ndakavenga ungano yevanoita zvakaipa,+
Handigari nevakaipa.+
6 Ndichageza maoko angu mukusava nemhosva,+
Ndichafora ndichitenderera atari yenyu, haiwa Jehovha,+
7 Kuti ndiite kuti kuonga kunzwiwe kwazvo,+
Uye kuti ndizivise mabasa enyu ose anoshamisa.+
8 Jehovha, ndakada nzvimbo yenyu yamunogara iri muimba yenyu+
Nenzvimbo inogara kubwinya kwenyu.+
9 Musaparadza mweya wangu pamwe chete nevatadzi,+
Uyewo noupenyu hwangu pamwe chete nevanhu vane mhosva yeropa,+
10 Vane maoko ane kusazvibata,+
Vane ruoko rworudyi ruzere nepfumbamuromo.+
11 Asi ini ndichafamba nokuvimbika kwangu.+
Haiwa ndidzikinurei,+ mundinzwire nyasha.+
12 Tsoka yangu ichamira panzvimbo yakati sandara;+
Ndicharumbidza Jehovha pakati pemapoka evanhu vakaungana.+