16 Munhu anogadzirira pfungwa dzemwoyo wake,
Asi zvaanozotaura zvinobva kuna Jehovha.+
2 Nzira dzese dzemunhu dzinoita sedzakarurama kwaari,+
Asi Jehovha anoongorora vavariro yacho.+
3 Isa zvese zvaunoita mumaoko aJehovha,+
Uye zvirongwa zvako zvichabudirira.
4 Jehovha akaita kuti zvinhu zvese zviende nepaanoda kuti chinangwa chake chizadziswe,
Kunyangewo kuti vakaipa vaparadzwe pazuva redambudziko.+
5 Munhu wese ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha.+
Ziva kuti haasi kuzorega kurangwa.
6 Kukanganisa kunoyananisirwa nerudo rusingachinji pamwe chete nekutendeka,+
Uye kutya Jehovha kunoita kuti munhu abve pane zvakaipa.+
7 Kana Jehovha achifadzwa nenzira dzemunhu,
Anoita kuti kunyange vavengi vake vave nerugare naye.+
8 Zviri nani kuva nezvishoma paine kururama+
Pane kuwana zvakawanda asi pasina kutonga zvakarurama.+
9 Munhu anogona kuronga nzira yake mumwoyo make,
Asi Jehovha ndiye anotungamirira nhanho dzake.+
10 Chisarudzo chakafemerwa chinofanira kuva pamiromo yamambo;+
Haatombofaniri kutonga nepasipo.+
11 Zviyereso nezvikero zvakarurama zvinobva kuna Jehovha;
Matombo ese ekuyeresa ari muhomwe ibasa rake.+
12 Maitiro akaipa anosemesa madzimambo,+
Nekuti chigaro cheumambo chinomiswa zvakasimba nekururama.+
13 Kutaura kwakarurama kunofadza madzimambo.
Iwo anoda munhu anotaura chokwadi.+
14 Hasha dzamambo dzakaita semutumwa werufu,+
Asi munhu akachenjera anodzitonhodza.+
15 Chiedza chiri pachiso chamambo chinopa upenyu;
Kufarirwa naye kwakaita segore remvura yemasutso.+
16 Zviri nani kuwana uchenjeri pane kuwana goridhe.+
Kuwana kunzwisisa kunofanira kusarudzwa pane kuwana sirivha.+
17 Mugwagwa mukuru wevakarurama unonyenyeredza zvakaipa.
Munhu wese anochengetedza nzira yake anochengetedza upenyu hwake.+
18 Kuzvikudza kunotangira kuparara,
Uye kuzvitutumadza kunotangira kugumburwa.+
19 Zviri nani kuzvininipisa pakati pevanyoro+
Pane kugovana nevanhu vanozvikwidziridza zvinhu zvavapamba.
20 Munhu anodzamisa pfungwa kana pamuka nyaya achabudirira,
Uye munhu anovimba naJehovha anofara.
21 Munhu ane mwoyo wakachenjera achanzi anonzwisisa,+
Uye anotaura nemutsa anowedzera kunyengetedza.+
22 Njere itsime reupenyu kune vanadzo,
Asi mapenzi anorangwa neupenzi hwawo.
23 Munhu ane mwoyo wakachenjera anopa muromo wake njere+
Uye anowedzera kunyengetedza pamiromo yake.
24 Mashoko anofadza akaita sezinga reuchi,
Anotapira kumweya uye anoporesa mapfupa.+
25 Kune nzira inoita seyakarurama kumunhu,
Asi inoguma nerufu.+
26 Kana mushandi achida kudya anoshanda nesimba
Nekuti nzara ndiyo inomutuma kuti adaro.+
27 Munhu asina maturo anochera zvakaipa;+
Zvaanotaura zvinoita semoto unopisa.+
28 Munhu anodenha anoita kuti pave nekukakavadzana,+
Uye munhu anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe anoparadzanisa shamwari dzepedyo.+
29 Munhu anoita zvemhirizhonga anonyengera muvakidzani wake
Uye anoita kuti aende nenzira isiriyo.
30 Anochonya ziso rake paanenge achironga zvakaipa.
Anoruma miromo yake paanenge achiita misikanzwa.
31 Kuchena musoro ikorona yerunako+
Kana kuchiwanikwa munzira yekururama.+
32 Munhu anononoka kutsamwa+ anopfuura murume ane simba,
Uye uya anodzora hasha dzake anopfuura munhu anokunda guta.+
33 Mujenya unokandirwa pamakumbo,+
Asi zvisarudzo zvese zvinobuda zvinobva kuna Jehovha.+