Dheuteronomi
34 Mozisi akabva murenje reMoabhi akakwira muGomo reNebho,+ pamusoro pePisga,+ rakatarisana neJeriko.+ Uye Jehovha akamuratidza nyika yacho yese, kubva kuGiriyedhi kusvikira kuDhani,+ 2 nenyika yese yaNaftari uye nyika yaEfremu naManase, nenyika yese yaJudha kusvikira kugungwa rekumavirira,*+ 3 neNegebhu+ uye Dunhu+ reJodhani, bani reJeriko, guta remichindwe, kusvikira kuZoari.+
4 Jehovha akabva ati kwaari: “Iyi ndiyo nyika yandakapikira Abrahamu, Isaka, naJakobho, kuti, ‘Ndichaipa vana* vako.’+ Ndaita kuti uione nemaziso ako, asi hausi kuzoyambuka ikoko.”+
5 Pashure paizvozvo, Mozisi muranda waJehovha akafira imomo munyika yeMoabhi sezvakanga zvataurwa naJehovha.+ 6 Akamuviga mubani, munyika yeMoabhi pakatarisana neBheti-peori, uye hapana anoziva pane guva rake kusvikira nhasi.+ 7 Mozisi akafa ava nemakore 120.+ Maziso ake akanga achiri kuona, uye akanga achakasimba. 8 VaIsraeri vakachema Mozisi vari murenje reMoabhi kwemazuva 30.+ Mazuva ekuchema Mozisi akazopera.
9 Joshua mwanakomana waNuni akanga akazara nemweya weuchenjeri, nekuti Mozisi akanga aisa ruoko rwake pamusoro pake;+ vaIsraeri vakatanga kumuteerera, uye vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 10 Asi pakati paIsraeri hapana kuzomukazve mumwe muprofita akaita saMozisi,+ aizivikanwa naJehovha chiso nechiso.+ 11 Akaita zviratidzo zvese nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite munyika yeIjipiti kuna Farao nekuvashandi vake vese nenyika yake yese,+ 12 uye Mozisi akaratidzawo ruoko rune simba uye simba rinoshamisa pamberi pevaIsraeri vese.+