Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi, rwechiyeuchidzo.
3 Ndiri kurwara nemuviri wese* nemhaka yehasha dzenyu.
Mumapfupa angu hamuna rugare nemhaka yechivi changu.+
5 Maronda angu ava kunhuhwa uye anyenga
Nemhaka yeupenzi hwangu.
6 Ndiri kushungurudzika uye ndakasuruvara zvikuru;
Ndinongofamba ndakasuwa zuva rese.
8 Handichazivi zvekuita uye ndapwanyika zvachose;
Kutambura kwemwoyo wangu kuri kuita kuti ndigomere zvinonzwika.*
9 Haiwa Jehovha, zvido zvangu zvese zviri pamberi penyu,
Uye kugomera kwangu hakuna kuvanzwa kwamuri.
11 Shamwari dzangu nevamwe vangu vava kutambira kure neni nemhaka yechirwere changu,
Uye vanhu vepedyo pedyo neni havachadi kusvika pandiri.
12 Vaya vari kutsvaga upenyu hwangu* vari kunditeya;
Vaya vari kuedza kundikuvadza vanotaura zvekundiparadza;+
Vanoswera vachitaura zvekunyengera.
14 Ndava kunge munhu asinganzwi,
Ane muromo usina chekutaura kuti azvidzivirire.
16 Nekuti ndakati: “Ngavarege kufarira nhamo yangu
Kana kuzvikwidziridza pamusoro pangu kana tsoka yangu ikatsvedza.”
20 Vakanditsiva nezvakaipa pazvakanaka zvandakaita;
Vaiedza kunditadzisa kuramba ndichiita zvakanaka.
21 Musandisiya, haiwa Jehovha.
Haiwa Mwari, musaramba muri kure neni.+