Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. Rumbo.
2 Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri.+
4 Anofara munhu wamunosarudza uye wamunoswededza pedyo,+
Kuti agare muzvivanze zvenyu.+
Tichagutswa nokunaka kweimba yenyu,+
Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.+
5 Muchatipindura mukururama nezvinhu zvinotyisa,+
Haiwa Mwari woruponeso rwedu,+
Anovimbwa naye navose vari kumiganhu yenyika nevaya vari kure kugungwa.+
7 Iye ari kunyaradza ruzha rwemakungwa,+
Irwo ruzha rwemafungu awo nenyonganyonga yemapoka emarudzi.+
8 Vanogara kumigumo yenyika vachatya zviratidzo zvenyu;+
Munoita kuti kubuda kwezuva nokuvira kwaro zvishevedzere nomufaro.+
9 Makafunga nezvenyika, kuti muipe zvinhu zvizhinji;+
Munoipfumisa kwazvo.
Rukova runobva kuna Mwari ruzere nemvura.+
Munogadzirira zviyo zvavo,+
Nokuti ndiwo magadziriro amunoita nyika.+