36 Erihu akaenderera mberi achiti:
2 “Chimboti mirei nditsanangure,
Nekuti ndichiine mashoko ekutaura ndichimiririra Mwari.
3 Ndichanyatsotaura zvese zvandinoziva,
Uye ndichataura nezvekururama kweMuiti wangu.+
4 Chokwadi mashoko angu haasi enhema;
Uyo ane ruzivo rwakakwana+ ari pano pamberi pako.
5 Chokwadi Mwari ane simba+ uye hapana waanoramba;
Ane simba guru rekunzwisisa;
6 Haasi kuzosiya vakaipa vari vapenyu,+
Asi anotonga zvakarurama vanhu vanotambudzika.+
7 Haabvisi maziso ake pavanhu vakarurama;+
Anovagarisa nemadzimambo,+ uye vanokwidziridzwa nekusingaperi.
8 Asi kana vakasungwa necheni
Uye vakabatwa netambo dzekutambudzwa,
9 Anovaratidza zvavakaita,
Zvitadzo zvavo zvakakonzerwa nekuzvikudza kwavo.
10 Anovhura nzeve dzavo kuti avaruramise,
Ovaudza kuti varege kuita zvakaipa.+
11 Kana vakateerera, vomushumira,
Vachararama mazuva avo ese vakagarika,
Uye makore avo achange achifadza.+
12 Asi kana vakasateerera, vachaparadzwa nebakatwa+
Uye vachafa vasingazivi.
13 Vaya vasingadi Mwari mumwoyo mavo vachachengeta chigumbu.
Havachemeri kubatsirwa kunyange paanovasunga.
14 Vanofa vachiri vadiki,+
Vachipedza upenyu hwavo vari pakati pepfambi dzechirume dzepatemberi.+
15 Asi Mwari anonunura vanotambudzika pavanenge vachitambudzwa;
Anovhura nzeve yavo pavanenge vachidzvinyirirwa.
16 Anokununura wava pedyo nekupinda mudambudziko,+
Okuendesa kunzvimbo yakafara, isina kumanikidzika,+
Uine zvekudya zvakanaka patafura yako, kuti unyaradzwe.+
17 Uchabva wagutswa nemutongo uchapiwa vakaipa,+
Panopiwa mutongo uye panokwidziridzwa kururama.
18 Asi ngwarira kuti hasha dzisazoita kuti uite zvinhu zveutsinye,+
Uye usatsauswa nechiokomuhomwe chinenge chakakura.
19 Kuchemera kwako kubatsirwa
Kana kuti zvese zvaunoedza kuita, zvichakubvisa mumatambudziko here?+
20 Usashuva kuti manheru asvike,
Vanhu pavanonyangarika panzvimbo dzavo.
21 Ngwarira kuti usatanga kuita zvinhu zvakaipa,
Uchisarudza izvozvo pane kutambura.+
22 Ziva kuti Mwari anokudzwa musimba rake;
Murayiridzi upi akafanana naye?
23 Ndiani akamuratidza nzira+
Kana kuti akati kwaari, ‘Zvamakaita zvakaipa’?+
24 Yeuka kurumbidza basa rake,+
Rakaimbwa nezvaro nevanhu.+
25 Vanhu vese vakariona,
Munhu anoritarisa ari nechekure.
26 Chokwadi Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva;+
Kuwanda kwemakore ake hakurondedzereki.+
27 Anokwidza madonhwe emvura kumusoro;+
Madonhwe acho anochinja kubva mumhute yake, ova mvura;
28 Makore anobva aidurura pasi;+
Oinayisa pasi pane vanhu.
29 Pane anganzwisisa here kupararira kwakaita makore,
Mabhanan’ana anobva mutende rake?+
30 Ona kutambanudza kwaanoita mheni yake+ pamusoro paro
Achifukidza pasi pegungwa.
31 Izvi anozvishandisa kutsigira vanhu;
Anovapa zvekudya zvakawanda.+
32 Anofukidza mheni nemaoko ake,
Uye anoita kuti iende paanenge achida.+
33 Mabhanan’ana ake anotaura nezvake,
Kunyange zvipfuwo zvinoziva kuti ndiani ari kuuya.