Tsamba Yechipiri kuvaKorinde
9 Panyaya yeushumiri hwekubatsira vatsvene,+ handifungi kuti ndinofanira kukunyorerai, 2 nekuti ndinoziva chido chenyu chandiri kuzvirumbidza nacho kuvaMakedhoniya, kuti iye zvino Akaya yava negore yakagadzirira, uye kushingaira kwenyu kwakakurudzira vakawanda vavo. 3 Asi ndiri kutuma hama, kuti kuzvirumbidza kwedu nezvenyu panyaya iyi kurege kushaya basa uye kuti muve vakagadzirira, sezvandakataura kuti maizoita. 4 Kana zvikasadaro, zvikaitika kuti vaMakedhoniya vanouya neni vokuwanai musati magadzirira, isu tinganyara nekuvimba kwatinoita nemi, asi imi muchatonyanya kunyara. 5 Saka ndakaona kuti ndaifanira kukurudzira hama kuti dzigare dzauya kwamuri uye kuti dzifanogadzirira chipo chenyu chakakura chamakavimbisa, kuitira kuti chigadzirirwe sechipo chinobva pamwoyo, kwete chekumanikidzwa.
6 Asi panyaya iyi, anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji.+ 7 Mumwe nemumwe ngaaite sezvaakasarudza mumwoyo make, kwete kuita asingadi kana kuti achimanikidzwa,+ nekuti Mwari anoda munhu anopa achifara.+
8 Zvakare, Mwari anokwanisa kuita kuti nyasha dzake dziwande kwamuri, kuti mugare musina chamunoshayiwa pazvinhu zvese zvamunoda, muine zvakawanda pamabasa ese akanaka.+ 9 (Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Akapa vakawanda; akapa varombo. Kururama kwake kunogara nekusingaperi.”+ 10 Saka uya anopa mudyari mbeu zhinji uye anopa vanhu chingwa kuti vadye, achakupai, uye achaita kuti mbeu iwande kuti mudyare uye achawedzera goho rekururama kwenyu.) 11 Muzvinhu zvese, muri kupfumiswa pamusana pekupa kwenyu zvinhu zvakasiyana-siyana nemwoyo wese, izvo zviri kuita kuti basa ratiri kuita riite kuti vanhu vaonge Mwari; 12 nekuti ushumiri uhwu hwekubatsira ruzhinji haungoitirwi chete kuwanisa vatsvene zvese zvavanoda,+ asi hunoitirwawo kuti vakawanda vaonge Mwari. 13 Neuchapupu hunopiwa neushumiri uhwu hwekuyamura, vanokudza Mwari nekuti munoteerera mashoko akanaka pamusoro paKristu, sekuzivisa pachena kwamakaita, uye nekuti munopa mupiro wenyu nemwoyo wese kwavari uye kuvanhu vese.+ 14 Uye vanokunyengetererai vachiteterera, vachiratidza kuti vanokudai nekuda kweukuru hwenyasha dzaMwari dziri pamuri.
15 Tinotenda Mwari nekuda kwechipo chake chepachena chisingatsananguriki.