RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvakazarurwa 18
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raZvakazarurwa

      • Kuwa ‘kweBhabhironi Guru’ (1-8)

        • “Budai mariri vanhu vangu” (4)

      • Kuchema kuwa kweBhabhironi (9-19)

      • Kuwa kweBhabhironi kunoita kuti kudenga kuve nemufaro (20)

      • Bhabhironi richakandwa mugungwa sedombo (21-24)

Zvakazarurwa 18:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Guta Guru Rinoparadzanywa

    re chits. 36 ndim. 4

Zvakazarurwa 18:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “mashoko ese akafemerwa asina kuchena.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 21:9; Jer 51:8; Zva 14:8
  • +Isa 13:21; Jer 50:39

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Ramba Uchitsigira Jehovha

    lff chidzidzo 58 pfungwa 2

    Guta Guru Rinoparadzanywa

    re chits. 36 ndim. 4-12

Zvakazarurwa 18:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

  • *

    Kana kuti “vanofamba vachitengesa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 51:7
  • +Zva 17:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Guta Guru Rinoparadzanywa

    re chits. 36

Zvakazarurwa 18:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 48:20; 52:11; Jer 50:8
  • +Jer 51:6, 45; 2VaK 6:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo

    lff chidzidzo 13 pfungwa 6

    Ramba Uchitsigira Jehovha

    lff chidzidzo 58 pfungwa 2

    Siyana Zvachose Nokunamata Kwenhema!

    w06 3/15 pp. 28-29

    Guta Guru Rinoparadzanywa

    re chits. 36 ndim. 22-26

    “Rambai Makarinda”—Awa Yokutonga Yasvika!

    w05 10/1 p. 24 ndim. 17

    Mibvunzo Inobva Kuvaravi

    w99 4/15 pp. 28-30

    Kuzivisa Kudzoka Kwashe (1870-1914)

    jv chits. 5

    Boka Guru Richagara Mudenga Here? Kana Kuti Pasi Pano?

    jv chits. 12

    “Havasati Vari Rutivi Rwenyika”

    jv chits. 14

    Rudzidziso Rumwe Ruchasara

    g96 11/8 pp. 8-9

    “Bhabhironi” Risinokuchengeteka Rakashurikidzirwa Kuparadzwa

    ws chits. 4

    Marudzidziso Enyika Ari Kutungamirira Zvakarurama Here?

    tp chits. 3 ndim. 23-25

Zvakazarurwa 18:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mhosva dzaro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 51:9
  • +Zva 16:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Chii Chichaitika Kuzvitendero?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

    mrt nyaya 129 ndim. 7-12

    Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo

    lff chidzidzo 13 pfungwa 2

    Ramba Uchitsigira Jehovha

    lff chidzidzo 58 pfungwa 5

    Guta Guru Rinoparadzanywa

    re chits. 36 ndim. 23-28

Zvakazarurwa 18:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:29; 2VaT 1:6
  • +Pis 137:8; Jer 50:15
  • +Pis 75:8
  • +Zva 16:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Guta Guru Rinoparadzanywa

    re chits. 36 ndim. 23-28

Zvakazarurwa 18:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 47:7-9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Chii Chichaitika Kuzvitendero?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

    mrt nyaya 129 ndim. 11

    Guta Guru Rinoparadzanywa

    re chits. 36 ndim. 23-28

    Chitendero Chenhema—Mugumo Wacho Wekamwe Kamwe Unofanoonwa

    ip-2 chits. 8 ndim. 28

Zvakazarurwa 18:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 21:9
  • +Jer 50:34

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Chii Chichaitika Kuzvitendero?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

    mrt nyaya 129 ndim. 5-6

    Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo

    lff chidzidzo 13 pfungwa 3

    Guta Guru Rinoparadzanywa

    re chits. 36 ndim. 23-28

    Chitendero Chenhema—Mugumo Wacho Wekamwe Kamwe Unofanoonwa

    ip-2 chits. 8 ndim. 28

    Marudzidziso Enyika Ari Kutungamirira Zvakarurama Here?

    tp chits. 3 ndim. 23-24

Zvakazarurwa 18:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—II

    w09 2/15 p. 5 ndim. 1

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 1-2

Zvakazarurwa 18:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dha 4:30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 1-2

Zvakazarurwa 18:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 3-4

Zvakazarurwa 18:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mamishinari Aisvika Kure Zvakadini Nechokumabvazuva?

    w09 1/1 p. 23

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 3-4

Zvakazarurwa 18:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mamishinari Aisvika Kure Zvakadini Nechokumabvazuva?

    w09 1/1 p. 23

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 3-4

Zvakazarurwa 18:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “waifarirwa nemweya wako.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 3-4

Zvakazarurwa 18:15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 5

Zvakazarurwa 18:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zva 17:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 5

Zvakazarurwa 18:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 5-6

Zvakazarurwa 18:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 47:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 6

Zvakazarurwa 18:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 51:48
  • +Zva 14:12
  • +Dhe 32:43; VaR 12:19; Zva 6:9, 10; 19:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 7

Zvakazarurwa 18:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 51:63, 64

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo

    lff chidzidzo 13 pfungwa 3

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37

Zvakazarurwa 18:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 11-13

Zvakazarurwa 18:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 47:9; VaG 5:19, 20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37 ndim. 11-13

Zvakazarurwa 18:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zva 6:9, 10; 16:5, 6
  • +Ge 9:6; Jer 51:49

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Chii Chichaitika Kuzvitendero?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

    mrt nyaya 129 ndim. 10

    Chii Chinonzi Bhabhironi Guru?

    ijwbq nyaya 94 ndim. 8

    Siyana Zvachose Nokunamata Kwenhema!

    w06 3/15 p. 28 ndim. 8

    Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi

    re chits. 37

    Rutongeso rwaMwari Pa“munhu Wokusateerera Mutemo”

    w90 2/1 pp. 17-20 ndim. 11-24

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Zvak. 18:2Isa 21:9; Jer 51:8; Zva 14:8
Zvak. 18:2Isa 13:21; Jer 50:39
Zvak. 18:3Jer 51:7
Zvak. 18:3Zva 17:1, 2
Zvak. 18:4Isa 48:20; 52:11; Jer 50:8
Zvak. 18:4Jer 51:6, 45; 2VaK 6:17
Zvak. 18:5Jer 51:9
Zvak. 18:5Zva 16:19
Zvak. 18:6Jer 50:29; 2VaT 1:6
Zvak. 18:6Pis 137:8; Jer 50:15
Zvak. 18:6Pis 75:8
Zvak. 18:6Zva 16:19
Zvak. 18:7Isa 47:7-9
Zvak. 18:8Re 21:9
Zvak. 18:8Jer 50:34
Zvak. 18:10Dha 4:30
Zvak. 18:16Zva 17:4
Zvak. 18:19Isa 47:11
Zvak. 18:20Jer 51:48
Zvak. 18:20Zva 14:12
Zvak. 18:20Dhe 32:43; VaR 12:19; Zva 6:9, 10; 19:1, 2
Zvak. 18:21Jer 51:63, 64
Zvak. 18:23Isa 47:9; VaG 5:19, 20
Zvak. 18:24Zva 6:9, 10; 16:5, 6
Zvak. 18:24Ge 9:6; Jer 51:49
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zvakazarurwa 18:1-24

Bhuku raZvakazarurwa

18 Pashure peizvi ndakaona imwe ngirozi yaiva nesimba guru ichidzika kubva kudenga, uye nyika yakavhenekerwa nekubwinya kwayo. 2 Yakashevedzera nenzwi guru, ichiti: “Rawa! Bhabhironi Guru rawa,+ uye rava nzvimbo inogarwa nemadhimoni uye nzvimbo inohwanda mweya yese isina kuchena* neshiri dzese dzisina kuchena uye dzinovengwa!+ 3 Nekuti rakaita kuti marudzi ese adhakwe newaini yechishuwo charo chisingadzorwi chekuita upombwe,*+ uye madzimambo epanyika akaita upombwe naro,+ uye vanhu vanotengesa* panyika vakapfumiswa neupfumi hwaro hwakanyanyisa hwarakaunganidza risingatombonyari.”

4 Ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga richiti: “Budai mariri vanhu vangu,+ kana musingadi kubatanidzwawo muzvivi zvaro, uye kana musingadi kuwirwa nemamwe matambudziko aro.+ 5 Nekuti zvivi zvaro zvatutirana kusvika kudenga,+ uye Mwari ayeuka mabasa aro asina kururama.*+ 6 Riitireiwo zvarakaitira vamwe,+ chokwadi ritsivei kakapetwa kaviri pane zvarakaita;+ rigadzirirei muvhenganiswa wakapetwa kaviri mukapu+ yarakagadzirirawo muvhenganiswa waro.+ 7 Raizvikudza uye rairarama muumbozha risinganyari, saka ritambudzei murichemedze zvinoenderana naizvozvo. Nekuti rinoramba richiti mumwoyo maro: ‘Ndinogara samambokadzi, handisi chirikadzi, uye handizombochemi.’+ 8 Ndokusaka matambudziko aro achauya nezuva rimwe chete, rufu nekuchema nenzara, uye richaroromeswa nemoto,+ nekuti Jehovha* Mwari uyo akaritonga ane simba.+

9 “Madzimambo epanyika ayo akaita upombwe* naro uye akararama naro muumbozha hwaro hunonyadzisa, acharichema ozvirova neshungu paachaona utsi hwekutsva kwaro. 10 Paachaona kurwadziwa kwaro, achatya, omira nechekure achiti: ‘Iii inga zvakakuomera iwe guta guru,+ iwe Bhabhironi guta rakasimba, nekuti kutongwa kwako kwasvika muawa imwe chete!’

11 “Uyewo vanhu vanotengesa panyika vari kuridza mhere uye vari kurichema, nekuti hapasisina achatenga zvinhu zvavo zvese, 12 izvo zvinhu zvese zvavanotengesa zvinoti goridhe, sirivha, matombo anokosha, maparera, machira machena akanaka, machira epepuru, machira esiriki, nemachira matsvuku; nezvinhu zvese zvakagadzirwa nemiti inonhuhwirira; nezvinhu zvese zvakagadzirwa nenyanga dzenzou nematanda anokosha, nemhangura, nesimbi, nematombo emabhura; 13 uyewo sinamoni, netumwe tunonhuhwirira twekuIndiya, nerusenzi, nemafuta anonhuhwirira, nezvinonhuhwirira zvichena, newaini, nemafuta emaorivhi, nefurawa yakatsetseka, negorosi, nemombe, nemakwai, nemabhiza, nengoro, nevaranda nevamwe vanhu. 14 Hausisina muchero wakanaka wawaifarira,* uye machikichori ako ese nezvinhu zvako zvakanaka kwazvo hazvisisipo, uye hazvizombowanikizve.

15 “Vanhu vaitengesa zvinhu izvi avo vakapfuma naro, vachamira nechekure vachitya kurwadziswa kwarinenge richiitwa uye vacharidza mhere vachirichema 16 vachiti: ‘Iii inga zvakariomera guta guru, iro rakapfeka nguo dzejira rakanaka, nedzepepuru uye tsvuku, uye rakazvishongedza nezvinhu zvegoridhe zvakawanda nematombo anokosha nemaparera,+ 17 nekuti upfumi hwese uhwu hwaparara muawa imwe chete!’

“Vakuru vese vengarava nevanhu vese vanofamba nemugungwa, nevafambisi vezvikepe nevaya vese vanowaniswa cheuviri negungwa, vakamira nechekure, 18 vakaridza mhere pavaiona utsi hwaro richitsva uye vakati: ‘Nderipi guta rakaita seguta guru?’ 19 Vakazvimwaya guruva mumisoro vakaridza mhere vachichema, vachiti: ‘Iii inga guta guru rawirwa nedambudziko rakakura, iro guta riya rekupfumisa vanhu vese vaiva nezvikepe mugungwa, nekuti raparadzwa muawa imwe chete!’+

20 “Fara nezvaitika kwariri, iwe denga,+ nemiwo vatsvene+ nemi vaapostora nemi vaprofita, nekuti Mwari aripa mutongo waro nemhaka yezvarakakuitirai!”+

21 Imwe ngirozi yaiva yakasimba yakabva yasimudza dombo rakaita seguyo guru, ikarikanda mugungwa, ichiti: “Bhabhironi guta guru richawisirwa pasi nesimba seizvi, uye harizombowanikizve.+ 22 Iwe Bhabhironi mauri hamuzombonzwikizve vaimbi vanoimba vachiridza rudimbwa nevaya vanoridza zviridzwa nevanoridza nyere nevanoridza mabhosvo. Uye mhizha dzinoita mabasa akasiyana-siyana hadzizombowanikizve mauri, uye hapana guyo richazombonzwika mauri. 23 Hapana chiedza cherambi chichaonekazve mauri, uye hapana inzwi remurume ari kuroora kana remwenga richazombonzwika mauri; nekuti vanhu vako vaiita zvekutengesa vaiva vanhu vepamusoro panyika, uye wakatsausa marudzi ese nezvinhu zvemidzimu zvawaiita.+ 24 Chokwadi, mariri makawanikwa ropa revaprofita nerevatsvene+ nerevaya vese vakaurayiwa panyika.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe