Mapisarema
74 Haiwa Mwari, makatirasirei nekusingaperi?+
Nei hasha dzenyu dzichipfungaidza makwai emafuro enyu?+
Yeukai Gomo reZiyoni, nzvimbo yamanga muchigara.+
3 Itai nhanho dzenyu makananga kumatongo asingaperi.+
Muvengi aparadza zvese zviri munzvimbo tsvene.+
4 Vanokuvengai vakadzvova vari munzvimbo yenyu yekuungana.+
Vakasimudza mireza yavo kuti ive zviratidzo imomo.
5 Vaiita sevarume vari kusimudza matemo avo kuti vateme sango remiti.
6 Vakakwachura zvese zvakanga zvakatemerwa pairi,+ vachishandisa matemo nemigwara.
7 Vakapisa nzvimbo yenyu tsvene nemoto.+
Vakasvibisa tebhenekeri yaiva nezita renyu, vachiiwisira pasi.
8 Ivo nevana vavo vakati mumwoyo mavo:
“Nzvimbo dzese dzekuunganira dzaMwari* dziri munyika dzinofanira kupiswa.”
9 Hapana zviratidzo zvekuti tione;
Hakusisina kana muprofita,
Uye hapana kana mumwe wedu anoziva kuti izvi zvicharamba zvakadaro kusvikira riini.
10 Haiwa Mwari, mhandu icharamba ichinyomba kusvikira riini?+
Muvengi achashora zita renyu nekusingaperi here?+
11 Munoregererei kutambanudza ruoko rwenyu, ruoko rwenyu rwerudyi?+
Rubvisei pachipfuva penyu* muvaparadze.
16 Masikati ndeenyu, uyewo usiku ndehwenyu.
Makagadzira chiedza uye zuva.+
19 Musapa mhuka dzesango njiva* yenyu.
Musakanganwa nekusingaperi upenyu hwevanhu venyu vari kutambura.
20 Yeukai sungano yamakaita nesu,
Nekuti nzvimbo dzine rima dzenyika dzazara nevanhu vemhirizhonga.
22 Simukai, haiwa Mwari, mumiririre nyaya yenyu mudare.
Yeukai kunyombwa kwamunoitwa nemapenzi zuva rese.+
23 Musakanganwa zviri kutaurwa nevavengi venyu.
Ruzha rwevaya vari kukupandukirai runoramba ruchikwira.