Mapisarema
Maskiri. Rwiyo rwaAsafi.+
74 Haiwa Mwari, makatirasirei nokusingaperi?+
Hasha dzenyu dzinorambirei dzichipfungairira makwai emafuro enyu?+
2 Yeukai ungano yenyu yamakawana kare kare,+
Dzinza ramakadzikinura kuti rive nhaka yenyu,+
Iri Gomo reZiyoni ramakagara mariri.+
3 Simudzirai tsoka dzenyu kune zvakaparadzwa zvichange zviripo kwenguva refu.+
Muvengi akabata zvinhu zvose zviri munzvimbo tsvene nenzira yakaipa.+
4 Vaya vanokuvengai vakadzvova vari pakati penzvimbo yenyu yokuunganira.+
Vakaisa mireza yavo kuti zvive zviratidzo.+
5 Mumwe munhu ane mukurumbira wakaipa pakuti akafanana nouya anosimudzira denhere remiti matemo.
6 Zvino zvakanyorwa zvayo, zvose zvazvo, vanozvibvisa nebheura uye nematanda ane miromo yesimbi.+
7 Vakakanda nzvimbo yenyu tsvene mumoto.+
Vakasvibisa tebhenekeri yezita renyu nokuikanda pasi chaipo.+
8 Ivo nevana vavo, vakataura pamwe chete mumwoyo mavo vachiti:
“Nzvimbo dzose dzokuunganira dzaMwari dzinofanira kupiswa munyika yacho.”+
9 Hatina kuona zviratidzo zvedu; hapasisina muprofita,+
Uye hapana watiinaye anoziva kuti kusvikira rini.
10 Haiwa Mwari, mhandu icharamba ichizvidza kusvikira rini?+
Muvengi acharamba asingaremekedzi zita renyu nokusingaperi here?+
11 Munorambirei makadzosa ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rworudyi,+
Rwamakabvisa pachipfuva chenyu kuti tipedzwe?
14 Imi makapwanya misoro yeRevhiatani.+
Makaipa vanhu kuti ive zvokudya, ivo vaya vaigara munzvimbo dzisina mvura.+
19 Musapa mhuka yomusango mweya wegukutiwa renyu.+
Musakanganwa upenyu hwevanotambudzika venyu nokusingaperi.+