RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • VaHebheru 8
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVaHebheru

      • Tebhenekeri ine zvainofananidzira zvekudenga (1-6)

      • Kusiyana kwakaita sungano itsva neyekare (7-13)

VaHebheru 8:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 3:1; 7:26
  • +Pis 110:1; VaH 1:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kumutsidzira Zvapupu Zviviri

    re chits. 25 ndim. 2

    Kudzidza Kune Mubayiro

    be p. 29 ndim. 4

VaHebheru 8:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 9:8, 24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kumutsidzira Zvapupu Zviviri

    re chits. 25 ndim. 2

    VaKristu Vanowana Mufaro Mukushumira

    w00 11/15 p. 11 ndim. 6-7

    Tembere yaJehovha Huru Yomudzimu

    w96 7/1 pp. 14-19

VaHebheru 8:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaE 5:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvibayiro Zvaifadza Mwari

    w00 8/15 p. 14 ndim. 11

VaHebheru 8:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 7:14

VaHebheru 8:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 9:9, 24
  • +VaK 2:16, 17; VaH 10:1
  • +Eks 25:9, 40; 26:30; Nu 8:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Koshesa Ropafadzo Yako Yekunamata Mutemberi yaJehovha Yemweya

    w23.10 pp. 25-26

VaHebheru 8:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Ti 2:5
  • +1VaK 11:25; VaH 7:22; 9:15; 12:22, 24
  • +Pis 110:4; VaR 8:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    VaKristu Vanowana Mufaro Mukushumira

    w00 11/15 p. 11 ndim. 8

    Mibvunzo Inobva Kuvaravi

    w89 8/15 p. 30

    Sungano Itsva yaMwari Yosvika Zadziko Yayo

    ws chits. 12

VaHebheru 8:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 7:11, 18

VaHebheru 8:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

VaHebheru 8:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:51

VaHebheru 8:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 2:29
  • +2VaK 6:16

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Pashure Pesungano Itsva—Umambo Hwamakore Ane Chiuru

    ws chits. 14 ndim. 3-4

VaHebheru 8:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

VaHebheru 8:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:31-34

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Unobatsirwa Sei Nekuregererwa Kwatinoitwa naJehovha?

    w25.02 p. 11 ndim. 14-15

VaHebheru 8:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 10:4; VaH 7:12
  • +VaK 2:13, 14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Muchava “Umambo hweVapristi”

    w14 10/15 p. 15 ndim. 11

    Bhuku reBhaibheri Nhamba 2—Eksodho

    si p. 24 ndim. 29

    Sungano Itsva yaMwari Yosvika Zadziko Yayo

    ws chits. 12 ndim. 7-12

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

VaH. 8:1VaH 3:1; 7:26
VaH. 8:1Pis 110:1; VaH 1:3
VaH. 8:2VaH 9:8, 24
VaH. 8:3VaE 5:2
VaH. 8:4VaH 7:14
VaH. 8:5VaH 9:9, 24
VaH. 8:5VaK 2:16, 17; VaH 10:1
VaH. 8:5Eks 25:9, 40; 26:30; Nu 8:4
VaH. 8:61Ti 2:5
VaH. 8:61VaK 11:25; VaH 7:22; 9:15; 12:22, 24
VaH. 8:6Pis 110:4; VaR 8:17
VaH. 8:7VaH 7:11, 18
VaH. 8:9Eks 12:51
VaH. 8:10VaR 2:29
VaH. 8:102VaK 6:16
VaH. 8:12Jer 31:31-34
VaH. 8:13VaR 10:4; VaH 7:12
VaH. 8:13VaK 2:13, 14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
VaHebheru 8:1-13

Tsamba kuvaHebheru

8 Iri ndiro shoko guru pane zvatiri kutaura: Tine mupristi mukuru akaita seuyu,+ uye akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheumambo chaChangamire kumatenga,+ 2 mushumiri wemunzvimbo tsvene+ uye wemutende rechokwadi, rakamiswa naJehovha,* kwete nemunhu. 3 Nekuti mupristi mukuru wese anogadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro; saka zvakanga zvakakodzera kuti uyu avewo nechimwe chinhu chekupa.+ 4 Kudai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi,+ nekuti pagara paine vanhu vanopa zvipo maererano neMutemo. 5 Basa dzvene riri kuitwa nevarume ava riri kufananidzira zvinhu zvekudenga+ uye mumvuri wazvo;+ sezvakangoitikawo kuti Mozisi, paakanga ava kuda kugadzira tende, akapiwa murayiro uyu naMwari: Nekuti anoti: “Unofanira kugadzira zvinhu zvese uchinyatsotevedzera zvawakaratidzwa mugomo.”+ 6 Asi iye zvino Jesu akawana ushumiri hwemhando yepamusorosoro, nekuti ndiyewo murevereri+ wesungano yepamusorosoro,+ yakavakirwa zviri pamutemo pavimbiso dziri nani.+

7 Kudai pakanga pasina chakakanganisika pasungano iyoyo yekutanga, pangadai pasina kuzova neyechipiri.+ 8 Nekuti iye anoratidza vanhu kuti vakakanganisa paanoti: “‘Inzwai! Mazuva achasvika,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,* ‘andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha. 9 Ichange yakasiyana nesungano yandakaita nemadzitateguru avo pazuva randakabata maoko avo kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,+ nekuti havana kuramba vari musungano yangu, saka ndakanga ndisisina shungu navo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.*

10 “‘Nekuti iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri kana mazuva iwayo apfuura,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.* ‘Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo, uye ndichainyora mumwoyo mavo.+ Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.+

11 “‘Uye hapana achazodzidzisazve mumwe wake uye hama yake, achiti: “Ziva Jehovha!”* Nekuti vese vachandiziva, kubvira kumudiki wavo kusvika kumukuru. 12 Nekuti ndichavanzwira tsitsi pamabasa avo asina kururama, uye handizoyeukizve zvivi zvavo.’”+

13 Paari kutaura kuti “sungano itsva,” ari kutoita kuti yekare isashanda.+ Saka kana chinhu chisisashandi uye chava chekare chinenge chava pedyo kuti chinyangarike.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe