Zvirevo
25 Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni,+ zvakanyorwa* nevarume vaHezekiya+ mambo weJudha:
2 Kukudzwa kwaMwari kuri mukuita kuti nyaya isazivikanwa,+
Uye kukudzwa kwemadzimambo kuri mukunyatsoongorora nyaya.
3 Sekukwirira kwakaita denga uye kudzika kwakaita nyika,
Mwoyo yemadzimambo haiongororeki.
6 Usazvikwidziridza pamberi pamambo,+
Uye usagara pakati pevanoremekedzwa,+
7 Nekuti zviri nani kuti iye ati kwauri, “Kwira kuno,”
Pane kuti akunyadzise pamberi pegurukota.+
9 Pedzerana nemuvakidzani wako,+
Asi usabudisa zvaunenge waudzwa pachivande,*+
10 Kuti anenge akateerera asazokunyadzisa
Waparadzira mashoko akaipa* ausingazogoni kudzora.
12 Mashoko emunhu akachenjera kana achitsiura nzeve inoteerera
Akafanana nemhete yegoridhe uye chishongo chegoridhe rakanatswa.+
13 Sezvinoita kutonhorera kwechando pazuva rekukohwa
Ndizvo zvakaita nhume yakatendeka kuvaya vakaituma,
14 Sezvinoita makore nemhepo zvisinganayisi mvura
Ndizvo zvinoita munhu anozvirumbidza nezvechipo chaasina kumbopa.*+
15 Munhu anotungamirira anogona kunyengetedzwa nemwoyo murefu,
Uye rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.+
17 Tsoka yako ngaisanyanya kutsika mumba memuvakidzani wako,
Kuti arege kuneta newe okuvenga.
18 Munhu anopa uchapupu hwenhema achiroverera muvakidzani wake
Akafanana netsvimbo yehondo nebakatwa nemuseve wakapinza.+
19 Kuvimba nemunhu asina kuvimbika* panguva yedambudziko
Kwakafanana nezino rakameduka kana kuti tsoka inokamhina.
20 Munhu anoimbira mwoyo wakasuwa
Akafanana nemunhu anobvisa hembe kuchitonhora
Uye akafanana nevhiniga inodirwa musoda.+
21 Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvekudya;
Kana aine nyota, mupe mvura yekunwa,+
22 Nekuti unenge uchitutira mazimbe emoto pamusoro wake,*+
Uye Jehovha achakupa mubayiro.
24 Zviri nani kugara pakona yedenga remba
Pane kugara mumba mumwe chete nemukadzi anogara achipopota.*+