Mapisarema
BHUKU RECHISHANU
(Mapisarema 107-150)
2 Vaya vakanunurwa* naJehovha ngavataure izvi,
Vaya vaakanunura muruoko rwemhandu,*+
3 Vaakaunganidza kubva munyika zhinji,+
Kubva kumabvazuva nekumavirira,
Kubva kuchamhembe nekumaodzanyemba.+
4 Vakadzungaira vari murenje, vari mugwenga;
Havana kuwana nzira ingavaendesa kuguta ravaigona kugara.
8 Vanhu ngavaonge Jehovha+ nekuda kwerudo rwake rusingachinji
Uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
10 Vamwe vaigara murima gobvu,
Vari vasungwa vaitambudzika uye vakasungwa nesimbi.
12 Saka akaninipisa mwoyo yavo nekuita kuti vatambure;+
Vakagumburwa, asi pakanga pasina anovabatsira.
13 Vakashevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;
Akavaponesa mutsekwende yavaiva mairi.
15 Vanhu ngavaonge Jehovha nekuda kwerudo rwake rusingachinji+
Uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.
19 Vaishevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;
Aivaponesa mutsekwende yavaiva mairi.
21 Vanhu ngavaonge Jehovha nekuda kwerudo rwake rusingachinji
Uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.
23 Vaya vanofamba nengarava mugungwa,
Vanoita bhizimisi pamusoro pemvura zhinji,+
24 Vakaona mabasa aJehovha
Nemabasa ake anoshamisa mumvura yakadzika;+
25 Kusimudzwa kunoitwa dutu guru neshoko rake,+
Richisimudza mafungu egungwa.
26 Vanosimudzwa mudenga;
Vanonyura mumvura yakadzika.
Chivindi chavo chinopera* nemhaka yedambudziko rava kusvika.
30 Vanofara paanodzikama,
Uye iye anovatungamirira kumahombekombe kwavari kuda kusvikira.
31 Vanhu ngavaonge Jehovha nekuda kwerudo rwake rusingachinji
Uye nekuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
33 Anochinja nzizi kuti dzive gwenga,
Nezvitubu zvemvura kuti zvive nyika yakaoma,+
34 Ivhu rinobereka kuti rive ivhu rine munyu risingabereki,+
Nemhaka yeuipi hwevaya vanogaramo.
35 Anochinja gwenga kuti rive madziva emvura ane tsanga zhinji,
Nenyika yakaoma kuti ive zvitubu zvemvura.+
39 Asi vanova zvakare vashoma uye vanonyadziswa
Nemhaka yekudzvinyirirwa, dambudziko, uye shungu.