Zvirevo
4 Udza uchenjeri kuti, “Ndiwe hanzvadzi yangu,”
Uye dana kunzwisisa kuti “hama yangu,”
6 Ndakatarisa pasi nepahwindo remba yangu,
Nepahwindo remaburi maburi,
7 Uye pandaitarisa vanhu vakapusa,*
Ndakacherechedza pakati pevechidiki rimwe jaya risina pfungwa.*+
8 Rakapfuura nemugwagwa uri pedyo nepakona yake,
Uye rakafamba rakananga nekumba kwake
9 Munguva yerubvunzavaeni, kumanheru,+
Zuva richangovira, kwava kutanga kusviba.
10 Ndakabva ndaona mumwe mukadzi achiuya kuzosangana naro,
11 Anotaura nenzwi riri pamusoro uye haana chaanotya.+
Haambogari* pamba.
13 Anoribata, oritsvoda;
Nechiso chisinganyari, anoti kwariri:
14 “Ndapa zvibayiro zverugare.+
Nhasi ndaripa mhiko dzangu.
15 Ndokusaka ndabuda kuzosangana newe,
Kuti ndikutsvage, saka ndabva ndakuwana!
17 Ndasasa mura, arosi, nesinamoni pamubhedha wangu.+
18 Uya tigutswe nerudo kusvikira mangwanani;
Ngatinakidzwei nekupanana rudo runopisa,
19 Nekuti murume wangu haapo;
Akafamba rwendo rurefu.
20 Akaenda nehomwe yemari,
Uye achatozodzoka kana rava jenaguru.”
21 Anoritsausa nekugona kwake kunyengetedza.+
Anoritsvetera nekutaura kunotapira.
22 Rinobva rangomutevera semombe iri kunourayiwa,
Sebenzi riri kunorangwa muzvisungo zvematanda,*+
23 Kusvikira museve watsemura chiropa charo;
Rinoita seshiri inomhanyira muchiteyeso, risingazivi kuti zvichariurayisa.*+
24 Saka imi vanakomana vangu, nditeererei;
Teererai zvandinotaura.
25 Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake.