96 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva.+
Imbirai Jehovha, imi nyika yese!+
2 Imbirai Jehovha; rumbidzai zita rake.
Zuva nezuva zivisai mashoko akanaka ekuponesa kwake.+
3 Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi,
Nemabasa ake anoshamisa pakati pevanhu vese.+
4 Jehovha mukuru uye akanyatsokodzera kurumbidzwa.
Anoshamisa kupfuura vamwe vanamwari vese.
5 Vanamwari vese vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira,+
Asi Jehovha ndiye akasika denga.+
6 Pamberi pake pane ukuru nekubwinya;+
Simba nerunako zviri munzvimbo yake tsvene.+
7 Ipai Jehovha zvakamukodzera, imi mhuri dzemarudzi,
Ipai Jehovha zvakakodzera kukudzwa kwake nesimba rake.+
8 Ipai Jehovha kukudzwa kwakakodzera zita rake;+
Uyai nechipo mupinde muzvivanze zvake.
9 Kotamirai Jehovha makapfeka zvishongo zvitsvene;
Dederai pamberi pake, imi nyika yese!
10 Zivisai pakati pemarudzi kuti: “Jehovha ava Mambo!+
Nyika yakanyatsosimbiswa, zvekuti haigoni kubviswa pairi.
Achatonga marudzi zvakarurama.”+
11 Denga ngaripembere, uye nyika ngaifare;
Gungwa ngaritinhire pamwe chete nezvese zvizere mariri;+
12 Masango ngaapembere nemufaro nezvese zviri maari.+
Miti yese yemusango ngaishevedzerewo ichifara+
13 Pamberi paJehovha, nekuti ari kuuya,
Ari kuuya kuzotonga nyika.
Achatonga nyika nekururama+
Uye achatonga marudzi nekutendeka kwake.+