96 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva.+
Imbirai Jehovha, imi vanhu vose vepanyika.+
2 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake.+
Zuva nezuva zivisai mashoko akanaka okuponesa kwaanoita.+
3 Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi,+
Nemabasa ake anoshamisa+ pakati pemarudzi ose.
4 Nokuti Jehovha mukuru+ uye anofanira kurumbidzwa kwazvo.
Anotyisa kupfuura vamwe vanamwari vose.+
5 Nokuti vanamwari vose vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira;+
Asi Jehovha, ndiye akasika matenga.+
6 Kukudzwa nokubwinya zviri pamberi pake;+
Simba norunako zviri munzvimbo yake tsvene.+
7 Ipai Jehovha, haiwa imi mhuri dzemamwe marudzi,+
Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.+
8 Ipai Jehovha kukudzwa kwezita rake;+
Takurai chipo mupinde muzvivanze zvake.+
9 Kotamirai Jehovha makashonga zvishongo zvitsvene;+
Rwadziwai kwazvo nokuda kwake, imi vanhu vose vepanyika.+
10 Itii pakati pemarudzi: “Jehovha ava mambo.+
Nyika inobereka inosimbiswa kwazvo zvokuti haigoni kuzununguswa.+
Iye acharwira mhosva yemarudzi mukururama.”+
11 Matenga ngaafare, nenyika ngaifare.+
Gungwa ngaritinhire pamwe chete nezvizere mariri.+
12 Sango ngaripembere nomufaro pamwe chete nezvose zviri mariri.+
Uyewo miti yose yomusango ngaifare kwazvo+
13 Pamberi paJehovha. Nokuti auya;+
Nokuti auya kuzotonga nyika.+
Achatonga nyika inobereka nokururama+
Uye achatonga marudzi nokutendeka kwake.+