Mariro
א [Aleph]
4 Inga goridhe rinopenya harichapenyi, iro goridhe rakanatswa!+
Inga matombo matsvene+ angoti katakata mumakona ese emigwagwa!+
ב [Beth]
2 Kana vari vanakomana vanokosha veZiyoni, avo vakayerwa vachienzaniswa negoridhe* rakanatswa,
Vava kungoonekwa semidziyo yevhu,
Basa remaoko emuumbi!
ג [Gimel]
3 Hunguhwe* chaidzo dzakapa vana vadzo mazamu kuti dzivayamwise,
Asi mwanasikana wevanhu vangu ava neutsinye,+ semhou dziri murenje.+
ד [Daleth]
4 Rurimi rwemwana anoyamwa rwanamatira mukanwa make nenyota.
Vana vari kukumbira zvekudya,+ asi hapana ari kuvapa.+
ה [He]
5 Vaya vaimbodya machikichori vangoti rabada nenzara* mumigwagwa.+
Vaya vakarerwa vachipfeka machira matsvuku+ vagumbatira mirwi yemadota.
ו [Waw]
6 Kurangwa* kwemwanasikana wevanhu vangu kukuru kupfuura kurangwa kweguta reSodhomu+ nemhaka yechivi charo,
Iro rakaparadzwa nguva dikidiki, pasina ruoko rwakaribatsira.+
ז [Zayin]
7 VaNaziri+ veZiyoni vakanga vakachena kupfuura chando, vakachena kupfuura mukaka.
Vakanga vakatsvuka kupfuura matombo ekorari; vakanga vakaita sematombo esafaya akapenyeswa.
ח [Heth]
Ganda ravo raunyanira pamapfupa avo;+ raita sehuni dzakaoma.
ט [Teth]
9 Vaya vakaurayiwa nebakatwa vari nani pane vaya vakaurayiwa nenzara,+
Avo vanoondoroka, voita sevabayiwa nepfumo nemhaka yekushaya zvekudya muminda.
י [Yod]
10 Vakadzi vane tsitsi vakabika vana vavo nemaoko avo pachavo.+
Vakava zvekudya zvepanguva yekuchema pakuparara kwemwanasikana wevanhu vangu.+
כ [Kaph]
Uye anotungidza moto muZiyoni, uyo unoparadza nheyo dzaro.+
ל [Lamed]
12 Madzimambo epanyika nevagari vese vepanyika havana kutenda
Kuti mhandu nemuvengi vangapinda mumagedhi eJerusarema.+
מ [Mem]
13 Izvi zvakaitika nemhaka yezvivi zvevaprofita varo, kukanganisa kwevapristi varo,+
Avo vakadeura ropa revatsvene pakati paro.+
נ [Nun]
14 Vakadzungaira semapofu+ mumigwagwa.
Vakasvibiswa neropa,+
Zvekuti hapana anokwanisa kubata nguo dzavo.
ס [Samekh]
15 “Ibvai! Hamuna kuchena!” vanoshevedzera vachidaro kwavari. “Ibvai! Ibvai! Musatibata!”
Nekuti havasisina misha, uye vari kungodzungaira.
Vanhu vakataura pakati pemarudzi vachiti: “Hazviiti kuti vagare nesu pano.*+
פ [Pe]
Vanhu havazoremekedzi vapristi,+ havazokudzi vakuru.”+
ע [Ayin]
17 Kunyange iye zvino maziso edu aneta nekutsvaga rubatsiro tichirushaya.+
Takatsvaga tatsvagazve rubatsiro kurudzi rwakatadza kutiponesa.+
צ [Tsade]
18 Vakatironda pese pataitsika+ zvekuti takatadza kufamba mumisika yedu.
Kuguma kwedu kwaswedera pedyo; mazuva edu apera, nekuti kuguma kwedu kwasvika.
ק [Qoph]
19 Vaya vaititevera vaimhanya kupfuura makondo ari mudenga.+
Vakatidzingirira mumakomo; vakatihwandira murenje.
ר [Resh]
20 Muzodziwa waJehovha,+ iwo mweya wekufema wemhino dzedu, abatwa mugomba ravo guru,+
Iye watakati nezvake: “Tichagara mumumvuri wake tiri pakati pemarudzi.”
ש [Sin]
21 Pembera nemufaro, uye fara kwazvo, haiwa iwe mwanasikana weEdhomu,+ sezvaunogara munyika yeUzi.
Asi iwe uchapiwawo kapu yacho+ uye uchadhakwa wozvipfekenura.+
ת [Taw]
22 Haiwa iwe mwanasikana weZiyoni, kurangwa kwawakaitwa nemhaka yekukanganisa kwako kwapera.
Haazokutapizve.+
Asi achafunga nezvekukanganisa kwako, haiwa iwe mwanasikana weEdhomu.
Achafumura zvivi zvako.+