Mapisarema
Kumutungamiriri; paJedhutuni.* Rwiyo rwaAsafi.+
2 Ndinotsvaga Jehovha pazuva rekutambudzika kwangu.+
Usiku maoko angu anotambanudzirwa kwaari asinganeti.*
Handinganyaradzwi.*
4 Munoita kuti maziso angu arambe akavhurika;
Ndiri kunetseka uye handigoni kutaura.
7 Jehovha acharamba achitirasa nekusingaperi here?+
Haazomboratidzi zvakare nyasha dzake here?+
8 Rudo rwake rusingachinji rwakatopera zvachose here?
Zvizvarwa zvese zvichatadza kuona zvaakavimbisa zvichizadziswa here?
9 Mwari akanganwa kuratidza nyasha dzake here?+
Kana kuti kutsamwa kwake kwaita kuti tsitsi dzake dzipere here? (Sera)
10 Ndinofanira here kuramba ndichiti: “Izvi ndizvo zvinondishungurudza:*+
Wekumusorosoro achinja mabatiro aaitiita”?*
11 Ndichayeuka mabasa aJah;
Ndichayeuka mabasa enyu anoshamisa ekare kare.
13 Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene.
Ndeupi mumwe mwari mukuru semi, haiwa Mwari?+
14 Ndimi Mwari wechokwadi, anoita zvinhu zvinoshamisa.+
Makaita kuti marudzi aone simba renyu.+
Uye mvura yakadzika yakatanga kudedera.
17 Makore akadurura mvura.
Denga rine makore rakatinhira,
Uye miseve yenyu yakaenda kuno nekoko.+