Kumutungamiriri weJedhutuni. Rwiyo rwaAsafi.+
77 Ndichashevedzera kuna Mwari nenzwi rangu,+
Kuna iye Mwari nenzwi rangu, uye iye achanditeerera.+
2 Ndakatsvaka Jehovha pazuva rokutambudzika kwangu.+
Ruoko rwangu rwanga rwakatambanudzwa usiku asi haruna kurukutika;
Mweya wangu waramba kunyaradzwa.+
3 Ndichayeuka Mwari ndova munhu asina kugadzikana;+
Ndichafungisisa, simba rangu ropera.+ Sera.
4 Makabata zvikope zvangu;+
Ini ndakanetseka, uye handigoni kutaura.+
5 Ndakafunga nezvemazuva ekare,+
Nezvemakore enguva yakapfuura isingagumi.
6 Ndichayeuka nziyo dzandairidza nezviridzwa zvine tambo usiku;+
Ndichafungisisa nomwoyo wangu,+
Simba riri mukati mangu richanyatsotsvaka.
7 Jehovha acharamba achirasa nokusingagumi here,+
Uye haazofadzwizve here?+
8 Mutsa wake worudo wakaguma nokusingaperi here?+
Zvaakataura zvakakundikana+ kwezvizvarwa nezvizvarwa here?
9 Mwari akakanganwa kuva nenyasha,+
Kana kuti akavhara ngoni dzake akatsamwa here?+ Sera.
10 Ndicharamba ndichiti: “Izvi ndizvo zvinondibaya,+
Iko kuchinja kworuoko rworudyi rwoWokumusorosoro” here?+
11 Ndichayeuka mabasa aJah;+
Nokuti ndichayeuka zvinoshamisa zvamakaita kare kare.+
12 Ndichafungisisa nezvebasa renyu rose,+
Ndichava nehanya nezvamakaita.+
13 Haiwa Mwari, nzira yenyu iri munzvimbo tsvene.+
Ndiani Mwari mukuru akafanana naMwari?+
14 Ndimi Mwari wechokwadi, anoita zvinoshamisa.+
Makazivisa marudzi simba renyu.+
15 Makadzikinura vanhu venyu noruoko rwenyu,+
Ivo vanakomana vaJakobho nevaJosefa. Sera.
16 Mvura yakakuonai, haiwa Mwari,
Mvura yakakuonai; ikatanga kurwadziwa kwazvo.+
Uyewo, mvura yakadzika yakatanga kudedera.+
17 Makore akadurura mvura achitinhira;+
Matenga ane makore akatinhira.
Miseve yenyu yakaendawo kuno nokoko.+
18 Ruzha rwokutinhira kwenyu rwakaita semavhiri engoro;+
Mheni dzakavhenekera nyika inobereka;+
Nyika yakadedera, ikatanga kuzununguka.+
19 Nzira yenyu yaipinda nomugungwa,+
Gwara renyu raipinda nomumvura zhinji;
Pamakatsika hapana kuzivikanwa.
20 Makatungamirira vanhu venyu semakwai,+
Muchishandisa ruoko rwaMosesi naAroni.+