Chidzidzo Munzira Yokubata Nayo Zvinetso
VANHU vashomanene vakambofanira kugonana nezvinetso zvose izvo Jobho aiva nazvo. Munhambo pfupi yenguva, akanga akurirwa nokurasikirwa nepfuma yake uye chokurarama nacho, rufu rwengwavaira rwavana vake vose, uye pakupedzisira hosha inorwadza zvikuru. Arambwa neshamwari nehama dzokunyama, akakurudzirwa nomudzimai wake ku“shora Mwari kuti [a]fe!”—Jobho 2:9, NW; Job 19:13, 14.
Jobho, zvisinei, manyuko echienzi ekurudziro kumunhu upi noupi ari kutambura miedzo yakafanana. Mugumisiro wakanaka womuedzo wake unoratidza kuti tsungiriro mukutarisana nenhamo inofadza mwoyo waJehovha, apo tinosundwa nokuzvipira kwoumwari kwechokwadi panzvimbo pebetsero dzomunhu oga.—Jobho, maganhuro 1, 2; Job 42:10-17; Zvirevo 27:11.
Iyi nhoroondo yeBhaibheri inewo zvidzidzo zvinokosha munzira yokubata nayo zvinetso. Inogovera mienzaniso inoorora pamusoro penzira iyo mumwe munhu ari kutarisana nemiedzo anofanira—uye asingafaniri—kupiwa zano nayo. Kupfuurirazve, chakaitika chaJobho amene chinogona kutibetsera kuita nenzira yakadzikama apo tinozviwana timene tichirohwa namamiriro ezvinhu akaipa.
Chidzidzo Mukupa Zano Kwakaipa
Kutaura kwokuti “munyaradzi waJobho” kwakava kunoreva zvakafanana nomunhu uyo, panzvimbo pokunzwira urombo panguva yejambwa, anoita kuti mamiriro ezvinhu ave akaipa zvikuru. Asi pasinei zvapo nomukurumbira uyo shamwari nhatu dzaJobho dzakazviwanira dzimene nenzira yakafanira, hatifaniri kufunga kuti vavariro dzavo dzakanga dzakaipa chose chose. Kusvika kumwero wakati dzingave dzakanga dzichida kubetsera Jobho, maererano nemirangariro yadzo isina kururama. Neiko dzakakundikana? Dzakava sei zvishandiswa zvaSatani, uyo akanga akatsunga kuputsa kuperera kwaJobho?
Eya, dzakavakira rinodokuva zano radzo rose pafungidziro isina kururama: kuti kutambura kunouya bedzi kuavo vanoita chivi. Mukutaura kwake kwokutanga, Erifazi akati: “Ndianiko usina mhaka wakatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi? Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa, navanodzvara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo.” (Jobho 4:7, 8) Erifazi nenzira isina kururama akadavira kuti vasina mhaka havatapurwi nengwavaira. Akarangarira kuti sezvo Jobho akanga achitambura zvinetso zvakawanda kwazvo nokutambura kukuru kwazvo, anofanira kuva akanga atadzira Mwari.a Vose vari vaviri Bhirdhadhi naZofari nenzira yakafanana vakaomerera kuti Jobho apfidze zvivi zvake.—Jobho 8:5, 6; 11:13-15.
Shamwari dzake nhatu dzakaodzazve mwoyo Jobho nokutaura pfungwa dzomunhu oga panzvimbo pouchenjeri hwoumwari. Erifazi akatosvika pakutaura kuti ‘Mwari haatendi varanda vake’ uye kuti kwakanga kusingakoshi chaizvoizvo kuna Jehovha kana Jobho akanga akarurama kana kuti kwete. (Jobho 4:18; 22:2, 3) Kwakaoma kufungidzira tsinhiro inoodza mwoyo zvikuru—kana kuti isiri yechokwadi zvikuru—kupfuura iyoyo! Nenzira isingashamisi, Jehovha gare gare akatuka Erifazi neshamwari dzake nokuda kwouku kumhura Mwari. “Imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu,” akadaro. (Jobho 42:7) Asi kutaura kunokuvadza zvikurusa kwakanga kuchigere kuuya.
Erifazi pakupedzisira akapfurikidza mwero wokuita pomero dzakananga. Sezvo akanga asingakwanisi kuita kuti Jobho abvume kuti akanga ane mhaka, akatendeukira kukuumba zvivi izvo akafungidzira kuti Jobho anofanira kuve akanga aita. “Zvakaipa zvako hazvizakakura here? Zvisina kururama zvako hazviperi.” Erifazi akabvunza kudaro. “Nokuti wakatora rubatso kuhama yako pasina, wakakunungura nguo dzavakanga vasina kufuka. Hauna kupa vane nyota mvura kuti vanwe, wakanyima vane nzara zvokudya.” (Jobho 22:5-7) Idzi pomero dzakanga dzisina hwaro chose chose. Jehovha amene akanga arondedzera Jobho somunhu akanga “asina chaangapomerwa uye wakarurama.”—Jobho 1:8, NW.
Jobho akaita sei kuidzi denho pakuperera kwake kwomunhu oga? Nenzira inonzwisisika, dzakamuita kuti anzwe achiti rwadziwei uye achiti odzwei mwoyo asi akatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kubvumikisa kuti idzi pomero dzakanga dzisiri dzechokwadi. Kutaura idi, akabatikana kwazvo mukuzvireverera amene zvokuti, munzira yakati, akavamba kupa Jehovha mhaka nokuda kwamamiriro ake ezvinhu. (Jobho 6:4; 9:16-18; 16:11, 12) Nhau chaidzoidzo dzaibatanidzwa dzakafuratirwa, uye nhaurirano yacho yakava hurukuro isina maturo pamusoro pokuti Jobho angave akanga ari, kana kuti akanga asiri, munhu akarurama. Zvidzidzoi izvo vaKristu vanogona kudzidza kubva muiyi nhambo ine ngozi yokupa zano?
1. MuKristu ane rudo haasati achifungidzira kubva pamavambo kuti zvinetso zvehama ndezvokuzviitira imene. Kutsoropodzwa kwakakasharara kwemhosho dzakapfuura—dzingava chaidzoidzo kana kuti dzinofungidzirwa—kunogona kuodza munhu zvachose chose ari kurwisa kupfuurira. Mweya wakaodzwa mwoyo unoda ku‘nyaradzwa’ panzvimbo pokutukwa. (1 VaTesaronika 5:14) Jehovha anoda kuti vatariri vave “utiziro pamhepo,” kwete “vanyaradzi pasina” kufanana naErifazi, Bhirdhadhi, uye Zofari.—Isaya 32:2; Jobho 16:2.
2. Hatitongofaniri kuita pomero pasina ufakazi hwakajeka. Manzwira nyaya kana kuti fungidziro—kufanana neidzo dzaErifazi—hazvisiri hwaro hwakanaka hwokupa tsiuro. Kana mukuru, somuenzaniso, akaita pomero yakaipa, angarasikirwa sezvingabvira nomukutendeseka ndokuparira nhamo yemirangariro. Jobho akanzwa sei pamusoro pokuva anofanira kuteerera zano risina kururama rakadaro? Akabudisa shungu dzake nokukuwa kunosetsa kwokuti: “Iwe wakabatsira sei usina simba!” (Jobho 26:2) Mutariri anoitira hanya acha“simbisazve maoko akarembera pasi,” kwete kuita kuti chinetso chacho chive chakaipa zvikuru.—VaHebheru 12:12.
3. Zano rinofanira kuvakirwa paShoko raMwari, kwete papfungwa dzomunhu oga. Zvibvumikiso zveshamwari dzaJobho zvakanga zviri zvose zviri zviviri zvisina kururama nezvinoparadza. Panzvimbo pokukwevera Jobho pedyo naJehovha, dzakamutungamirira kukufunga kuti pakanga pane rusvingo rwaimuparadzanisa naBaba vake vokudenga. (Jobho 19:2, 6, 8) Kushandiswa kune unyanzvi kweBhaibheri, kune rumwe rutivi, kunogona kururamisa zvinhu, kupa vamwe simba, uye kugovera nyaradzo chaiyoiyo.—Ruka 24:32; VaRoma 15:4; 2 Timotio 3:16; 4:2.
Nepo bhuku raJobho richibetsera vaKristu kuziva hunza dzakati, rinogoverawo chidzidzo chinoshanda munzira yokupa nayo zano rinoshanda.
Nzira Yokupa Nayo Zano
Zano raErihu rakanga rakasiyana chose chose neiro reshamwari nhatu dzaJobho, muzvose zviri zviviri zvaraiva naro nomunzira iyo Erihu akabata nayo Jobho. Akashandisa zita raJobho ndokutaura kwaari seshamwari, kwete somutongi waJobho. “Asi Jobho, chidonzwai henyu kutaura kwangu, teererai mashoko angu ose. Tarirai, ini ndakafanana nemi pamberi paMwari; neniwo ndakaumbwa nevhu.” (Jobho 33:1, 6) Erihu akanga achikurumidzawo kurumbidza Jobho nokuda kwomufambiro wake wakarurama. “Ndakafarira kururama kwenyu,” akanyaradza Jobho achidaro. (Jobho 33:32, NW) Kunze kwouyu mutoo womutsa wokupa zano, Erihu akabudirira nokuda kwezvimwe zvikonzero.
Amirira neshiviro kutozosvikira vamwe vapedza kutaura, Erihu akanga achikwanisa zviri nani kunzwisisa nhau asati apa zano. Kuchibvumwa kuti Jobho akanga ari munhu wakarurama, Jehovha aizomuranga here? “Mwari haangatongoiti zvisakarurama,” akakuwa kudaro Erihu. “Haaregi kutarira vakarurama nameso ake.”—Jobho 34:10; 36:7.
Kururama kwaJobho ndiko kwakanga kuri chaizvoizvo nhau huru here? Erihu akakwevera ngwariro yaJobho kumurangariro usina kudzikama. “Munoti: Kururama kwangu kunopfuura kwaMwari?” akatsanangura kudaro. “Tarirai kudenga denga, muone; tarirai makore okudenga akakwirira kupfuura imi.” (Jobho 35:2, 5) Kungofanana namakore akakwirira zvikurusa kupfuura zvatiri, naizvozvo nzira dzaJehovha dzakakwirira zvikuru kupfuura nzira dzedu. Hatikwanisi kutonga nzira iyo anoita nayo zvinhu. “Saka vanhu vanomutya; haana hanya navane mwoyo yakachenjera,” Erihu akagumisa achidaro.—Jobho 37:24; Isaya 55:9.
Zano rakanaka raErihu rakagadzirira Jobho nzira kuti agamuchire murayiridzo wokuwedzera waibva kuna Jehovha amene. Kutaura idi, pane wirirano inoorora pakati pehwirudzuro yaErihu ya“mabasa anoshamisa aMwari,” Job muganhuro 37, uye mashoko aJehovha amene kuna Jobho, akanyorwa muJob maganhuro 38 kusvikira ku 41. Nenzira yakajeka, Erihu akaona zvinhu nomurangariro waJehovha. (Jobho 37:14) VaKristu vanogona sei kutevedzera muenzaniso wakaisvonaka waErihu?
Kufanana naErihu, vatariri zvikurukuru vanoda kuva vanonzwira urombo uye vane mutsa, vachiyeuka kuti ivowo havana kukwana. Vanoita zvakanaka kusanoteerera kuti vawane maidi ndokunzwisisa nhau vasati vapa zano. (Zvirevo 18:13) Uyezve, kupfurikidza nokushandisa Bhaibheri nezvinyorwa zvapaMagwaro, vanogona kuva nechokwadi chokuti murangariro waJehovha unotekeshera.—VaRoma 3:4.
Kunze kwokugovera izvi zvidzidzo zvinoshanda nokuda kwavakuru, bhuku raJobho rinotidzidzisa nzira yokutarisana nayo nezvinetso nenzira yakadzikama.
Nzira Yokuita Nayo Kumamiriro Ezvinhu Akaipa
Aparadzwa nokutambura kwake uye akangaidzwa navanyaradzi vake venhema, Jobho akashatirwa uye akaodzwa mwoyo. “Zuva randakaberekwa naro ngarirove . . . Mwoyo wangu waneta noupenyu hwangu,” akagomera kudaro. (Jobho 3:3; 10:1) Asingazivi kuti Satani ndiye akanga ari mupariri, akafungidzira kuti Mwari akanga achiparira ngwavaira dzake. Kwakaratidzika kuva kusina kururama kwazvo kuti iye—munhu akarurama—anofanira kutambura. (Jobho 23:10, 11; 27:2; 30:20, 21) Ichi chimiro chendangariro chakapofumadzira Jobho kumimwe mirangariro ndokumutungamirira kutsoropodza kubata kwaMwari norudzi rwomunhu. Jehovha akabvunza, kuti: “Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?”—Jobho 40:8.
Zvichida kuita kwedu kwokukurumidza apo tinonangana nenhamo kunzwa taitwa vananyajambwa, seizvo Jobho akaita sezviri pachena. Kuita kunozivikanwa navose kubvunza kuti, ‘Neiko ini? Neiko vamwe—vakaipa zvikuru kupfuura zvandiri—vachifarikanya upenyu husina zvinetso zvikuru?’ Iyi mifungo yakaipa iyo tinogona kurwisa kupfurikidza nokufungisisa Shoko raMwari.
Kusafanana naJobho, tinokwanisa kunzwisisa zvirevo zvikuru zvikuru zvinobatanidzwa. Tinoziva kuti Satani “unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.” (1 Petro 5:8) Seizvo bhuku raJobho rinozivisa, Dhiyabhorosi angafara kuputsa kuperera kwedu kupfurikidza nokutiparira zvinetso. Akatsunga kubvumikisa kutaura kwake kwokuti tiri Zvapupu zvaJehovha bedzi apo zvinhu zvinenge zvakanaka. (Jobho 1:9-11; 2:3-5) Tichava noushingi hwokutsigira uchangamire hwaJehovha nokudaro ndokubvumikisa Dhiyabhorosi kuva murevi wenhema here?
Muenzaniso waJesu, uye vamwe vabatiri vakatendeka vasingaverengeki vaJehovha, unoratidza kuti chimwe chimiro chokutambura chiri chinodokuva chisingadzivisiki mutsika ino yezvinhu. Jesu akataura kuti vadzidzi vake vanofanira kuva vanodisa ku‘takura danda ravo rokutambudzira’ kana vachida kumutevera. (Ruka 9:23, NW) “Danda rokutambudzika” redu somunhu oga ringava imwe kana kuti dzakawanda dzenhamo idzo Jobho akatsungirira—utano husina kunaka, rufu rwavadiwa, kuora mwoyo, chinetso chemari, kana kuti chishoro chinobva kuna vasingatendi. Rupi kana rupi rwuri rudzi rwechinetso rwatingava tichitarisana narwo, kune rutivi rwakanaka. Tinogona kurangarira mamiriro ezvinhu edu somukana wokuratidzira tsungiriro yedu nechivimbo chisingazununguki muna Jehovha.—Jakobho 1:2, 3.
Iyoyo ndiyo yakanga iri nzira iyo vaapostora vaJesu vakaita nayo. Nokukurumidza pashure pePentekosta vakapurwa nokuda kwokuparidza pamusoro paJesu. Panzvimbo pokuodzwa mwoyo, vakaenda “vachifara.” Vakafara, kwete nemhaka yokutambura kumene, asi “zvavakanzi vakafanirwa ivo kuzvidzwa nokuda kwezita rake [Kristu].”—Mabasa 5:40, 41.
Chokwadika, hazvisiri zvinetso zvedu zvose zvinotiwira somugumisiro wokubatira Jehovha. Zvinetso zvedu zvingava zvokuzviparira—kunenge kusvikira kumwero wakati. Kana kuti zvichida, kusiri kupfurikidza nemhaka yedu timene, chinetso chacho chakatapura dzikamo yedu yomudzimu. Upi kana upi uri mumiriro wezvinhu, chimiro chokuzvininipisa chakafanana neicho chaJobho chichatigonesa kunzwisisa apo mhosho dzinenge dzaitwa. Jobho akabvuma kuna Jehovha, kuti: “Ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi.” (Jobho 42:3) Munhu anoziva mhosho dzake neiyi nzira achadzivisa sezvingabvira zvikuru zvinetso zvakafanana munguva yemberi. Chirevo chinoti, “munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda.”—Zvirevo 22:3.
Chinokosha zvikurusa, bhuku raJobho rinotiyeuchidza kuti zvinetso zvedu hazvisati zvichizogara nokusingaperi. Bhaibheri rinoti: “Vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:11) Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achatusa nenzira yakafanana kutendeka kwavabatiri vake nhasi.
Tinokarirawo nguva apo zvinetso zvorudzi ruri rwose—“zvokutanga”—zvinenge zvapfuura. (Zvakazarurwa 21:4) Kutozosvikira zuva iroro rasvika, bhuku raJobho rinobatira senhungamiro inokosha iyo inogona kutibetsera kubata zvinetso nouchenjeri noushingi.
[Mashoko Omuzasi]
a Nepo Bhaibheri richitaura kuti “izvo zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanochekazve,” ikoku hakurevi kuti kutambura kwomunhu kunofanira kuva chirango choumwari. (VaGaratia 6:7) Munyika ino inodzorwa naSatani, vakarurama vanowanzotarisana nezvinetso zvakawanda zvikuru kupfuura zvinoita vakaipa. (1 Johane 5:19) “Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu,” Jesu akaudza vateveri vake kudaro. (Mateo 10:22) Chirwere namamwe marudzi ejambwa zvinogona kuwira upi noupi wavabatiri vakatendeka vaMwari.—Pisarema 41:3; 73:3-5; VaFiripi 2:25-27.
[Mufananidzo uri papeji 28]
“Tarirai makore okudenga akakwirira kupfuura imi.” Erihu nokudaro akabetsera Jobho kunzwisisa kuti nzira dzaMwari dzakakwirira kupfuura nzira dzomunhu