Zvikomborero Zvikuru Kupfurikidza Nesungano Itsva
“[Jesu] . . . murevereri wesungano inopfuura nokunaka.”—VAHEBHERU 8:6.
1. Ndiani akabvumikisa kuva ‘mbeu yomukadzi’ yakapikirwa muEdheni, uye aka‘pwanywa [sei] chitsitsinho’?
PASHURE pokunge Adhama naEvha vatadza, Jehovha akatonga Satani, uyo akanyengedza Evha, achiti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” (Genesi 3:15) Jesu paakabhabhatidzwa muRwizi rwaJoridhani muna 29 C.E., Mbeu yakapikirwa muEdheni yakaoneka pakupedzisira. Parufu rwake padanda rokutambudzira muna 33 C.E., rutivi rwouporofita ihwohwo hwekare rwakazadzikwa. Satani akanga ‘apwanya chitsitsinho’ cheMbeu.
2. Maererano namashoko aJesu pachake, rufu rwake rwunobetsera sei rudzi rwomunhu?
2 Nenzira inofadza, ronda iroro, nepo rairwadza zvikuru, rakanga risiri rechigarire. Jesu akamutswa kubva kuvakafa ari mudzimu usingafi uye akakwira kuna Baba vake kudenga, kwaakapa kukosha kweropa rake rakateurwa se“rudzikinuro rwavazhinji.” Nokudaro, mashoko ake pachake akava echokwadi: “Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwawo, kuti ani naani unotenda kwaari, ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Mateo 20:28; Johane 3:14-16; VaHebheru 9:12-14) Sungano itsva inoita basa rinokosha mukuzadzikwa kwouporofita hwaJesu.
Sungano Itsva
3. Sungano itsva yakatanga kuoneka ichishanda rini?
3 Chinguvana asati afa, Jesu akaudza vateveri vake kuti ropa rake rakateurwa rakanga riri “ropa . . . resungano itsva.” (Mateo 26:28; Ruka 22:20) Mazuva gumi pashure pokunge akwira kudenga, sungano itsva yakaoneka ichishanda apo mudzimu mutsvene wakadururwa pavadzidzi vanenge 120 vakanga vakaungana mukamuri rapamusoro muJerusarema. (Mabasa 1:15; 2:1-4) Kupinzwa kweava vadzidzi 120 musungano itsva kwakaratidza kuti sungano “[y]akare,” sungano yoMutemo, zvino yakanga isingachashandi.—VaHebheru 8:13.
4. Sungano yakare yakakundikana here? Tsanangura.
4 Sungano yekare yakakundikana here? Nyangwe napaduku pose. Chokwadi, sezvo zvino yakatsiviwa, Israeri wokunyama akanga asisiri vanhu vaMwari chaivo. (Mateo 23:38) Asi izvozvo zvakanga zviri nemhaka yokusateerera kwaIsraeri uye kurambwa kwoWakazodzwa waJehovha. (Eksodho 19:5; Mabasa 2:22, 23) Mutemo usati watsiviwa, zvisinei, wakaita zvakawanda. Kwamazana amakore, wakagovera nzira yokusvika nayo Mwari uye yokudzivirirwa parudzidziso rwenhema. Wakanga une mativi aifananidzira sungano itsva uye, nezvibayiro zvawo zvaidzokororwa, wakaratidzira kuda kukuru kwomunhu kununurwa muchivi norufu. Zvirokwazvo, Mutemo wakanga uri “muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu.” (VaGaratia 3:19, 24; VaRoma 3:20; 4:15; 5:12; VaHebheru 10:1, 2) Zvisinei, chikomborero chakapikirwa kuna naAbrahama chaizozadzikwa zvakazara kupfurikidza nesungano itsva.
Marudzi Anokomborerwa Kupfurikidza Nembeu yaAbrahama
5, 6. Mukuzadzikwa kunokosha, kwomudzimu kwesungano yaAbrahama, ndiani ari Mbeu yaAbrahama, uye ndorupi rudzi rwakatanga kugamuchira chikomborero kupfurikidza naye?
5 Jehovha akavimbisa Abrahama kuti: “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera inzwi rangu.” (Genesi 22:18) Musungano yekare, vanhu vokumwe vakawanda vane mwoyo munyoro vakakomborerwa kupfurikidza nokusonganirana kwavo naIsraeri, mbeu yorudzi yaAbrahama. Mukuzadzikwa kwayo kunokosha kwomudzimu, zvisinei, Mbeu yaAbrahama yakanga iri munhu mumwe akakwana. Pauro akatsanangura izvi paakati: “Zvipikirwa zvakarehwa kuna Abrahama nokumwana wake. Haarevi, achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti: Kumwana wako; uyu ndiye Kristu.”—VaGaratia 3:16.
6 Hungu, Jesu ndiye Mbeu yaAbrahama, uye kupfurikidza Naye marudzi anogamuchira chikomborero chikuru zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi chinobvira nokuda kwaIsraeri wokunyama. Zvirokwazvo, rudzi rwokutanga kugamuchira chikomborero ichi rwakanga rwuri Israeri pachake. Nokukurumidza pashure pePendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akati kuboka ravaJudha: “Imi muri vanakomana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kuna Abrahama: Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako. Mwari wakatanga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvenyu.”—Mabasa 3:25, 26.
7. Ndeapi marudzi akakomborerwa kupfurikidza naJesu, Mbeu yaAbrahama?
7 Nokukurumidza chikomborero chacho chakatambanudzirwa kuvaSamaria uye ipapo kune vamamwe Marudzi. (Mabasa 8:14-17; 10:34-48) Imwe nguva pakati pa50 na52 C.E., Pauro akanyorera vaKristu vaiva muGaratia muAsia Minor kuti: “NoRugwaro, zvarwakaziva zviri mberi, kuti Mwari ucharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Evhangeri kare kuna Abrahama, rwuchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa. Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwe chete naAbrahama, wakatenda.” (VaGaratia 3:8, 9; Genesi 12:3) Kunyange zvazvo vaKristu vakawanda muGaratia vaiva “vahedheni,” vakakomborerwa kupfurikidza naJesu nemhaka yokutenda kwavo. Munzirai?
8. Nokuda kwavaKristu vomuzuva raPauro, kukomborerwa kupfurikidza neMbeu yaAbrahama kwaibatanidzei, uye vangani, pakupedzisira, vanogamuchira chikomborero chakadaro?
8 Pauro akaudza vaKristu veGaratia, vemamiriro ezvinhu akare api kana api kuti: “Kana muri vaKristu, muri vana vaAbrahama, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.” (VaGaratia 3:29) Nokuda kwavaGaratia ivavo, chikomborero chakauya kupfurikidza neMbeu yaAbrahama chaibatanidza kuva kwavo vanotora rutivi musungano itsva uyewo kuva vadyi venhaka pamwe naJesu, vasonganiri naJesu mumbeu yaAbrahama. Hatizivi kuwanda kwavanhu vaIsraeri wakare. Tinongoziva bedzi kuti vakanga “vakawanda sejecha pagungwa.” (1 Madzimambo 4:20) Zvisinei, tinoziva nhamba yokupedzisira yavasonganiri vaJesu mumbeu yomudzimu—144 000. (Zvakazarurwa 7:4; 14:1) Vane 144 000 ivavo vanobva “kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose” vorudzi rwomunhu uye vanogoverana mukupa kune vamwezve zvikomborero zvesungano yaAbrahama.—Zvakazarurwa 5:9.
Uporofita Hunozadzikwa
9. Avo vari musungano itsva vanova sei nomutemo waJehovha mavari?
9 Paaifanotaura nezvesungano itsva, Jeremia akanyora kuti: “Heyi sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo—ndizvo zvinotaura Jehovha: Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo.” (Jeremia 31:33) Chiratidzo cheavo vari musungano itsva kuti vanobatira Jehovha nemhaka yorudo. (Johane 13:35; VaHebheru 1:9) Mutemo waJehovha wakanyorwa mumwoyo yavo, uye vanoshuva zvikuru kuita kuda kwake. Chokwadi, muna Israeri wakare vamwe vanhu vakatendeka vakada mutemo waJehovha zvikuru. (Pisarema 119:97) Asi vakawanda havana. Nepo vakaramba vari rutivi rwerudzi rwacho. Hapana munhu anogona kuramba ari musungano itsva kana mutemo waMwari usina kunyorwa mumwoyo wake.
10, 11. Nokuda kwaavo vari musungano itsva, Jehovha a“chava Mwari wavo” munzirai, uye vose vachamuziva sei?
10 Jehovha akatizve pamusoro peavo vari musungano itsva: “Ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.” (Jeremia 31:33) Muna Israeri wakare vakawanda vakanamata vanamwari vamarudzi, asi vakaramba vari vaIsraeri. Pahwaro hwesungano itsva, Jehovha akasika rudzi rwomudzimu, “vaIsraeri vaMwari,” kuti rutsive Israeri wokunyama. (VaGaratia 6:16; Mateo 21:43; VaRoma 9:6-8) Zvisinei, hapana munhu anoramba ari rutivi rworudzi rutsva rwomudzimu kana akarega kunamata Jehovha uye iye oga.
11 Jehovha akatiwo: “Vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo.” (Jeremia 31:34) Muna Israeri, vakawanda vakangofuratira Jehovha, vachiti chaizvoizvo: “Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.” (Zefania 1:12) Hapana munhu anoramba ari rutivi rwaIsraeri waMwari kana akafuratira Jehovha kana kuti kusvibisa kunamata kwakachena. (Mateo 6:24; VaKorose 3:5) VaIsraeri vomudzimu “vanhu vanoziva Mwari wavo.” (Dhanieri 11:32) Vanofara ku‘pinza zivo yaMwari wechokwadi bedzi neyaJesu Kristu.’ (Johane 17:3) Kuziva Jesu kunokudza kuziva kwavo Mwari sezvo, munzira yakasiyana, Jesu “ari iye wakatsanangura [Mwari.]”—Johane 1:18; 14:9-11.
12, 13. (a) Jehovha anokanganwira zvivi zvaavo vari musungano itsva pahwaroi? (b) Pamusoro pokukanganwirwa zvivi, sungano itsva inopfuura sei sungano yekare?
12 Pakupedzisira, Jehovha akapikira kuti: “Ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.” (Jeremia 31:34b) Mutemo waMosesi waibatanidza mazana emirayiro yakanyorwa iyo vaIsraeri vakarayirwa kuteerera. (Dheuteronomio 28:1, 2, 15) Vose vaiputsa Mutemo vaipa zvibayiro kuti vafukidze zvivi zvavo. (Revhitiko 4:1-7; 16:1-31) VaJudha vakawanda vakasvika pakudavira kuti vaigona kuva vakarurama kupfurikidza namabasa avo pachavo maererano noMutemo. VaKristu, kunyange zvakadaro, vanoziva kuti havambogoni kuwana kururama kupfurikidza namabasa avo pachavo. Havagoni kudzivisa kutadza. (VaRoma 5:12) Musungano itsva, chimiro chakarurama pamberi paMwari chinobvira bedzi pahwaro hwechibayiro chaJesu. Zvisinei, chimiro chakadaro chipo, mutsa usakafanirwa unobva kuna Mwari. (VaRoma 3:20, 23, 24) Jehovha achiri kurayira kuteerera kwavabatiri vake. Pauro anotaura kuti avo vari musungano itsva vari “pasi pomurayiro waKristu.”—1 VaKorinte 9:21.
13 Nokudaro, nokuda kwavaKristuwo kune chibayiro chechivi, asi chinokosha zvikuru kupfuura zvibayiro zvaiitwa musungano yoMutemo. Pauro akanyora kuti: “Muprista mumwe nomumwe [ari musungano yoMutemo] unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvimwe-zvimwe, zvisingagoni kubvisa zvivi; asi iye [Jesu] wakati abayira chibayiro chimwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari.” (VaHebheru 10:11, 12) Sezvo vaKristu vari musungano itsva vachishandisa kutenda muchibayiro chaJesu, Jehovha anovaruramisa, havana zvivi, uye nokudaro vanogona kuzodzwa savanakomana vake vomudzimu. (VaRoma 5:1; 8:33, 34; VaHebheru 10:14-18) Pavanotadza nemhaka yokusakwana kwavanhu, vanogona kukumbira kukanganwira kwaJehovha, uye pahwaro hwechibayiro chaJesu, Jehovha anovakanganwira. (1 Johane 2:1, 2) Zvisinei, kana vakasarudza nzira yechivi chamaune, vanorasikirwa nechimiro chavo chakarurama uye ropafadzo yokuva vanotora rutivi musungano itsva.—VaHebheru 2:2, 3; 6:4-8; 10:26-31.
Sungano Yekare Netsva
14. Ndokupi kudzingiswa kwaidikanwa musungano yoMutemo? musungano itsva?
14 Vanhurume musungano yekare vaidzingiswa sechiratidzo chokuti vakanga vari muMutemo. (Revhitiko 12:2, 3; VaGaratia 5:3) Pashure pokunge ungano yechiKristu yavamba, vamwe vakarangarira kuti vaKristu vasiri vaJudha vanofanirawo kudzingiswa. Asi vaapostora navakuru vomuJerusarema, vachitungamirirwa neShoko raMwari uye nomudzimu mutsvene, vakaziva kuti izvi zvakanga zvisiri madikanwa. (Mabasa 15:1, 5, 28, 29) Makore mashomanene gare gare, Pauro akati: “Haazi muJudha, uri muJudha pakuonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunoonekwa, kuri panyama; asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa.” (VaRoma 2:28, 29) Kudzingiswa chaikoiko, kunyange kwevaJudha vokunyama, kwakanga kusisinazve kukosha mumudzimu mumeso aJehovha. Nokuda kwaavo vari musungano itsva, mwoyo, kwete nyama, inofanira kudzingiswa. Zvinhu zvose mukufunga kwavo, zvishuvo, uye zvinovasunda zvisingafadzi kana kuti zvisina kuchena mumeso aJehovha zvinofanira kubviswa.a Vakawanda nhasi ufakazi hwakanaka hwesimba romudzimu mutsvene rokushandura mafungiro nenzira iyi.—1 VaKorinte 6:9-11; VaGaratia 5:22-24; VaEfeso 4:22-24.
15. Israeri wokunyama naIsraeri waMwari vanoenzana sei pamusoro pokutonga kwamambo?
15 Mugadziriro yesungano yoMutemo, Jehovha akanga ari Mambo waIsraeri, uye pashure penguva yakati akashandisa uchangamire hwake kupfurikidza namadzimambo avanhu muJerusarema. (Isaya 33:22) Jehovha ndiMambowo waIsraeri waMwari, Israeri womudzimu, uye kubvira muna 33 C.E., akatonga kupfurikidza naJesu Kristu, uyo akagamuchira “simba rose kudenga napanyika.” (Mateo 28:18; VaEfeso 1:19-23; VaKorose 1:13, 14) Nhasi, Israeri waMwari anoziva Jesu saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga, hwakagadzwa muna 1914. Jesu ndiMambo ari nani zvikuru kupfuura zvakanga zvakaita kunyange Hezekia, Josia, uye mamwe madzimambo akatendeka aIsraeri wakare.—VaHebheru 1:8, 9; Zvakazarurwa 11:15.
16. Israeri waMwari rudzii rwouprista?
16 Israeri akanga asiri umambo bedzi asiwo akanga ane vaprista vakazodzwa. Muna 33 C.E., Israeri waMwari akatsiva Israeri wokunyama ndokuva “muranda” waJehovha, “zvapupu” zvake. (Isaya 43:10) Mashoko aJehovha kuna Israeri akanyorwa pana Isaya 43:21 naEksodho 19:5, 6 kuvambira ipapo zvichienda mberi akashanda kuna Israeri waMwari womudzimu. Rudzi rutsva rwomudzimu rwaMwari zvino rwakanga rwava “rudzi rwakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira,” vakanga vane basa roku‘zivisa munyika yose kunaka kwaJehovha.’ (1 Petro 2:9) Vose vari muna Israeri waMwari, varume navakadzi, vanoumba uprista hwavazhinji. (VaGaratia 3:28, 29) Sorutivi rwechipiri rwembeu yaAbrahama, zvino vanoti: “Farai, imi ndudzi, pamwe chete navanhu vake.” (Dheuteronomio 32:43) Vaya vaIsraeri vomudzimu vachiri pasi pano vanoumba “muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Basa rinoyera rinogamuchirika rinogona kuitirwa Mwari pamwe chete navo bedzi.
Umambo hwaMwari—Kuzadzika Kwokupedzisira
17. Ndokupi kuberekwa kutsva kunoitwa navaya vari musungano itsva?
17 VaIsraeri vakaberekwa pashure pa1513 B.C.E. vakapinda musungano yoMutemo pakuberekwa. Vaya avo Jehovha anopinza musungano itsva vanoberekwawo—kwavari, kuberekwa kwomudzimu. Jesu akadudza izvi kumuFarise Nikodhimo paakati: “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.” (Johane 3:3) Vadzidzi 120 paPendekosti ya33 C.E. vakanga vari vanhu vasina kukwana vokutanga kuberekwa kutsva uku. Vachiruramiswa musungano itsva, vakagamuchira mudzimu mutsvene se“rubatso” rwenhaka yavo youmambo. (VaEfeso 1:14) Vaka“berekwa nomweya” kuti vave vanakomana vakagamuchirwa vaMwari, zvakavaita hama dzaJesu uye nokudaro “vadyi venhaka pamwe chete naKristu.” (Johane 3:6; VaRoma 8:16, 17) Kuva kwavo vaka“berekw[a] kutsva” kwakavhura nzira yekariro dzakaisvonaka.
18. Kuberekwazve kunogovera mukana wekariro dzipi nokuda kwaavo vari musungano itsva?
18 Pakureverera sungano itsva, Jesu akaita sungano yokuwedzera navateveri vake, achiti: “Ndinokugarisai nhaka youshe saBaba vangu vakandigarisa nhaka.” (Ruka 22:29) Iyi sungano yoUmambo yakagadzirira zvinhu nokuda kwokuzadzikwa kwechiono chinoshamisa, chakanyorwa pana Dhanieri 7:13, 14, 22, 27. Dhanieri akaona “mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu” achipiwa chiremera chaMambo no“wakakwegura pamazuva ake,” Jehovha Mwari. Ipapo Dhanieri akaona “vatsvene va[chipiwa] ushe.” Jesu ndiye “wakafanana nomwanakomana womunhu” uyo, muna 1914, akagamuchira Umambo hwokudenga kubva kuna Jehovha Mwari. Vadzidzi vake vakazodzwa nomudzimu va“tsvene” vanogoverana naye Umambo ihwohwo. (1 VaTesaronika 2:12) Sei?
19, 20. (a) Nokuda kwaavo vari musungano itsva, kuzadzikai kwokupedzisira, kune mbiri uko chipikirwa chaJehovha kuna Abrahama chichava nako? (b) Ndoupi mumwe mubvunzo unofanira kurangarirwa?
19 Pashure pokufa kwavo, ava vakazodzwa, kufanana naJesu vanomutswa kubva kuvakafa sezvisikwa zvisingafi zvomudzimu kuti vashande naye samadzimambo navaprista mudenga. (1 VaKorinte 15:50-53; Zvakazarurwa 20:4, 6) Itariro ine mbiri zvakadini! “Vabate ushe panyika,” kwete bedzi munyika yeKanani. (Zvakazarurwa 5:10) Vacha‘va varidzi vamasuo evavengi vavo’ here? (Genesi 22:17) Hungu, uye munzira yakasimba, pavanopupurira kuparadzwa kwemhombwe ine utsinye yorudzidziso, Bhabhironi Guru, uye apo ava vakazodzwa vanomutswa vanogoverana naJesu mukufudza marudzi “netsvimbo yedare” uye mukuparadza musoro waSatani. Nokudaro vachava norutivi mukuzadzika mashoko okupedzisira ouporofita ari pana Genesi 3:15.—Zvakazarurwa 2:26, 27; 17:14; 18:20, 21; VaRoma 16:20.
20 Zvisinei, tingabvunza kuti, Sungano yaAbrahama nesungano itsva dzinongobatanidza bedzi ava vanhu vakatendeka vane 144 000 here? Aiwa, vamwe vasiri musungano idzi zvakananga vachakomborerwa kupfurikidza nadzo, sezvichaoneka munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, peji 470, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Unoyeuka Here?
◻ Sungano itsva yakatanga kuoneka ichishanda rini?
◻ Chii chakaitwa kupfurikidza nesungano yakare?
◻ Ndiani zvikurukuru ari Mbeu yaAbrahama, uye marudzi akakomborerwa munhevedzano ipi kupfurikidza neMbeu iyoyo?
◻ Nokuda kwavane 144 000, ndokupi kuri kuzadzikwa kwokupedzisira kwesungano yaAbrahama nesungano itsva?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kukanganwirwa kwezvivi kunoshanda zvikuru nokuda kwaavo vari musungano itsva kupfuura nokuda kweavo vari musungano yakare