Genesisi
13 Izvozvo zvaitika Abramu akabuda muIjipiti, iye nomudzimai wake nezvose zvaakanga anazvo, aina Roti, akaenda kuNegebhu.+ 2 Abramu akanga ane mapoka ezvipfuwo nesirivha nendarama zvizhinji kwazvo.+ 3 Akabva muNegebhu achingotamisa-tamisa musasa achienda kuBheteri, kunzvimbo yaimbova netende rake pakutanga pakati peBheteri neAi,+ 4 kunzvimbo yeatari yaakanga aita ikoko pakutanga;+ uye Abramu akadana zita raJehovha ipapo.+
5 Zvino Roti, uyo akanga achifamba pamwe chete naAbramu, aivawo nemakwai nemombe nematende. 6 Naizvozvo nyika yacho haina kuvabvumira kuti vagare pamwe chete, nokuti zvinhu zvavo zvakanga zvawanda uye vakanga vasingakwanisi kugara pamwe chete.+ 7 Vafudzi vezvipfuwo zvaAbramu nevafudzi vezvipfuwo zvaRoti vakapopotedzana; panguva iyoyo muKenani nomuPerizi vaigara munyika yacho.+ 8 Nokudaro Abramu akati kuna Roti:+ “Ndapota, usarega kupopotedzana chero kupi zvako kuchipfuurira pakati pangu newe nepakati pevafudzi vangu nevafudzi vako, nokuti tiri hama.+ 9 Nyika yose haisi pamberi pako here? Ndapota, paradzana neni. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichabva ndaenda kurudyi; asi kana ukaenda kurudyi, ini ndichabva ndaenda kuruboshwe.”+ 10 Naizvozvo Roti akatarira, akaona Ruwa rwose rwaJodhani,+ kuti rwose rwaiva nzvimbo ine mvura, Jehovha asati aparadza Sodhoma neGomora, somunda waJehovha,+ senyika yeIjipiti kusvikira kuZoari.+ 11 Roti akabva asarudza Ruwa rwose rwaJodhani, Roti akatamisira musasa wake kumabvazuva. Naizvozvo vakaparadzana. 12 Abramu akagara munyika yeKenani, asi Roti akagara pakati pemaguta oRuwa rwacho.+ Akazodzika tende rake pedyo neSodhoma. 13 Zvino varume veSodhoma vakanga vakaipa uye vaiva vatadzi vakanyanya kuna Jehovha.+
14 Zvino Jehovha akati kuna Abramu pashure pokuparadzana kwake naRoti: “Ndapota, tarira uri panzvimbo yauri, kuchamhembe nokumaodzanyemba nokumabvazuva nokumavirira,+ 15 nokuti nyika yose yawakatarira, ndichaipa iwe nevana vako nokusingagumi.+ 16 Ndichaita kuti vana* vako vave seguruva renyika, zvokuti, kudai munhu aikwanisa kuverenga guruva renyika, vana vako vaizoverengwawo.+ 17 Simuka, famba-famba munyika yacho pakureba kwayo nepakufara kwayo, nokuti ndichakupa iyo.”+ 18 Naizvozvo Abramu akaramba achigara mumatende. Gare gare akasvika akagara pamiti mikuru yeMamre,+ iri muHebroni;+ uye akavakira Jehovha atari ipapo.+