Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
64 Haiwa Mwari, inzwai inzwi rangu pakunetseka kwangu.+
Chengetedzai upenyu hwangu pakutyisa kwomuvengi.+
2 Ndivanzei pane zvakavanzika zvinotaurwa nevanhu vanoita zvakaipa,+
Pamheremhere yevanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza,+
3 Vakarodza rurimi rwavo kuti ruve sebakatwa,+
Vakakunga miseve yavo, iko kutaura kunoshungurudza,+
4 Kuti vapfure mumwe munhu asina chaanopomerwa vari munzvimbo dzakavanda.+
Vanongoerekana vamupfura uye havatyi.+
5 Vanoomerera pakutaura zvakaipa;+
Vanotaura pamusoro pokuvanza zviteyeso.+
Vanoti: “Ndiani anozviona?”+
6 Vanoramba vachitsvaka zvinhu zvisina kururama;+
Vanoviga zano rokuchenjera rakanyatsorongwa,+
Uye nhengo yomukati yomumwe nomumwe, kunyange mwoyo wake, zviri mukatikati.+