Pamusoro paSoromoni.
72 Haiwa Mwari, ipai mambo zvamakatonga,+
Uye ipai mwanakomana wamambo kururama kwenyu.+
2 Ngaarwire mhosva yevanhu venyu nokururama+
Neyevanotambudzika venyu nezvamakatonga.+
3 Makomo nezvikomo ngazviendesere vanhu rugare,+
Runowanikwa nokururama.
4 Ngaatongere vanhu vanotambudzika,+
Ngaaponese vanakomana vomurombo,
Ngaapwanye anobiridzira.
5 Vachakutyai chero bedzi kuine zuva,+
Uye kuine mwedzi kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
6 Achaburuka semvura inonaya pauswa hwakachekwa,+
Semvura zhinji inonyorovesa nyika.+
7 Mumazuva ake, munhu akarurama achamera,+
Uye rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo.+
8 Achatonga vanhu kubvira kugungwa kusvikira kugungwa+
Uye kubvira kuRwizi+ kusvikira kumigumo yenyika.+
9 Vagari vomunzvimbo dzisina mvura vachamukotamira,+
Vavengi vake vachananzva guruva.+
10 Madzimambo eTashishi neezvitsuwa+—
Acharipa muripo.+
Madzimambo eShebha neeSebha—
Achauya nechipo.+
11 Madzimambo ose achamugwadamira;+
Marudzi ose achamushumira.+
12 Nokuti iye achanunura murombo anochemera kubatsirwa,+
Pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri.+
13 Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo,+
Uye achaponesa mweya yevarombo.+
14 Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba,
Ropa ravo richava rinokosha mumaziso ake.+
15 Iye ngaararame,+ uye ngaapiwe imwe ndarama yokuShebha.+
Ngaanyengetererwe nguva dzose;
Ngaarumbidzwe zuva rose.+
16 Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo;+
Zvichafashukira pamusoro pemakomo.+
Michero yake ichaita sezvakaita iri muRebhanoni,+
Vaya vanobva muguta vachatumbuka sezvinoita zvinomera panyika.+
17 Zita rake ngarivepo nokusingagumi;+
Zita rake ngariwedzere zuva parinenge riripo,
Ivo ngavazvikomborere nomaari;+
Marudzi ose ngaamuti anofara.+
18 Jehovha Mwari, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe,+
Iye oga ari kuita mabasa anoshamisa.+
19 Zita rake rinokudzwa ngarirumbidzwe nokusingagumi,+
Kubwinya kwake ngakuzadze nyika yose.+
Ameni uye Ameni.
20 Minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese,+ yaguma.