Mapisarema
Maskiri. Rwiyo rwaAsafi.+
78 Haiwa imi vanhu vangu, teererai mutemo wangu;+
Rerekerai nzeve dzenyu kune zvinotaurwa nomuromo wangu.+
2 Ndichashama muromo wangu ndichitaura chirevo;+
Ndichaita kuti zvirahwe zvekare kare zvibude,+
Zvakarondedzerwa kwatiri nemadzibaba edu;+
4 Zvatisingavanziri vanakomana vavo,+
Tichizvirondedzerawo kuchizvarwa chichauya,+
Kurumbidzwa kwaJehovha nesimba rake+
Nezvinhu zvake zvinoshamisa zvaakaita.+
5 Akamutsa chiyeuchidzo pakati paJakobho,+
Akaisa mutemo pakati paIsraeri,+
Zvinhu zvaakarayira madzitateguru edu,+
Kuti zvizivikanwe nevanakomana vawo;+
6 Kuti chizvarwa chaizouya, ivo vanakomana vaizoberekwa, vazvizive,+
Kuti vasimuke vazvirondedzere kuvanakomana vavo,+
Uye varege kukanganwa mabasa aMwari+ asi kuti vachengete mirayiro yake.+
8 Havafaniri kuita semadzitateguru avo,+
Chizvarwa chakanga chakasindimara uye chaipandukira,+
Chizvarwa chakanga chisina kugadzirira mwoyo wacho+
Uye chakanga chiine mafungiro asina kuvimbika kuna Mwari.+
17 Asi ivo vakaramba vachimutadzira+
Nokupandukira Wokumusorosoro munzvimbo isina mvura;+
18 Vakaedza Mwari mumwoyo mavo+
Nokukumbirira mweya yavo zvokudya.+
19 Naizvozvo vakatanga kutaura zvakaipa nezvaMwari.+
Vakati: “Mwari anokwanisa kugadzira tafura yezvokudya murenje here?”+
Kuti mvura iyerere uye hova dzifashamire.+
“Anokwanisawo kupa chingwa here,+
Kana kuti anokwanisawo kugadzirira vanhu vake zvokudya here?”+
21 Ndokusaka Jehovha akazvinzwa, akashatirwa kwazvo;+
Moto wakabatidzirwa Jakobho,+
Uye akatsamwirawo Israeri kwazvo.+
26 Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga+
Uye akaita kuti mhepo yokumaodzanyemba ivhuvhute nesimba rake.+
30 Vakanga vasati varega zvavaida,
Zvokudya zvavo pazvakanga zvichiri mumuromo mavo,+
Akauraya vakasimba vavo;+
Uye akawisa majaya aIsraeri.
35 Vakatanga kuyeuka kuti Mwari aiva Dombo ravo,+
Uye kuti Mwari Wokumusorosoro aiva Mutsivi nokuda kwavo.+
38 Asi iye aiva nengoni;+ aifukidza kukanganisa+ orega kuparadza.+
Kazhinji aidzora hasha dzake,+
Aisamutsa hasha dzake dzose.
42 Havana kuyeuka ruoko rwake,+
Zuva raakavadzikinura pamhandu,+
43 Maitiro aakaita zviratidzo zvake muIjipiti+
Nezvishamiso zvake munyika yeZoani;+
44 Machinjiro aakaita migero yavo yaNire kuti ive ropa,+
Zvokuti vaisagona kunwa mvura inobva muhova dzavo.+
48 Akaurayisa mhuka dzavo dzokutakurisa zvinhu nechimvuramabwe+
Uye akaurayisa zvipfuwo zvavo nefivha huru.
49 Akavatumira hasha dzake huru,+
Kushatirwa kukuru nokutsamwa nokutambudzika,+
Mapoka engirozi achiunza dambudziko.+
50 Akagadzirira kutsamwa kwake gwara.+
Haana kudzivirira mweya yavo kuti irege kufa;
Akagamuchidzawo upenyu hwavo kudenda.+
52 Pashure paizvozvo akaita kuti vanhu vake vabve semakwai,+
Akavatungamirira murenje seboka rezvipfuwo.+
53 Akaramba achivatungamirira vakachengeteka, uye havana kutya;+
Uye gungwa rakafukidza vavengi vavo.+
55 Akadzinga marudzi nokuda kwavo zvishoma nezvishoma,+
Akavagovera nhaka+ achishandisa tambo yokuyeresa,
Zvokuti akaita kuti madzinza aIsraeri agare mumisha yawo.+
56 Zvino vakatanga kuedza uye kupandukira Mwari Wokumusorosoro,+
Havana kuchengeta zviyeuchidzo zvake.+
57 Vakarambawo vachidzoka shure, vachinyengera semadzibaba avo;+
Vakatendeuka, vakaita souta hwakadhamba.+
58 Vakaramba vachimugumbura nenzvimbo dzavo dzakakwirira,+
Uye vakaramba vachiita kuti anzwe godo nemifananidzo yavo yakavezwa.+
69 Akatanga kuvaka nzvimbo yake tsvene sezvinoitwa nzvimbo dzakakwirira,+
Senyika yaakasimbisa nokusingagumi.+