Isaya
59 Tarira! Ruoko rwaJehovha haruna kupfupika zvokusagona kuponesa,+ uyewo nzeve yake haina kuvhara zvokusagona kunzwa.+ 2 Aiwa, asi kukanganisa kwenyu kwava zvinhu zviri kukuparadzanisai naMwari wenyu,+ uye zvivi zvenyu zvaita kuti muvanzirwe chiso chake kuti arege kunzwa.+ 3 Nokuti zvanza zvenyu zvakasvibiswa neropa,+ uye zvigunwe zvenyu nokukanganisa. Miromo yenyu yakataura nhema.+ Rurimi rwenyu rwakaramba ruchigunun’una zvisina kururama.+ 4 Hakuna ari kushevedzera nokururama,+ uye hakuna kana aenda kudare nokutendeka. Kwave kuine kuvimba nezvisiri zvechokwadi,+ uye kutaura zvisina zvazvinobatsira.+ Kwave kuine kubata pamuviri pokunetseka, nokubereka zvinhu zvinokuvadza.+
5 Vakachochonya mazai enyoka, uye vakaramba vachiruka matandadzi edandemutande.+ Ani naani anodya mamwe mazai avo achafa, uye zai rakapwanyika richachochonyeka kuva nyoka ine uturu.+ 6 Matandadzi avo haazovi nguo, uyewo havazozvifukidzi nemabasa avo.+ Mabasa avo mabasa anokuvadza, uye basa rechisimba riri muzvanza zvavo.+ 7 Tsoka dzavo dzinoramba dzichimhanyira zvakaipa,+ uye vanokurumidzira kuteura ropa risina mhosva.+ Kufunga kwavo kufunga kunokuvadza;+ kupamba nokuputsa zviri mumigwagwa yavo mikuru.+ 8 Vakaramba nzira yorugare,+ uye mumakwara avo hamuna kururamisira.+ Vakazvikombamisira migwagwa yavo.+ Hakuna kana anofamba nayo achaziva rugare.+
9 Ndokusaka kururamisira kwava kure nesu, uye kururama kusingasviki kwatiri. Tinoramba tichitarisira chiedza, asi, tarirai! kune rima; tichitarisira kubwinya, asi takaramba tichifamba murima rinoramba riripo.+ 10 Tinoramba tichitsvangadzira madziro sezvinoita mapofu, uye tinoramba tichitsvangadzira sezvinoita vaya vasina maziso.+ Takagumburwa masikati machena sezvinongoitika murima manheru; takaita sevanhu vakafa+ pakati pevakasimba. 11 Tinoramba tichigomera, tose zvedu, sezvinoita mhuka dzinonzi mabheya; uye tinoramba tichigururudza senjiva,+ takasuruvara. Takaramba tichitarisira kururamisira,+ asi kwakanga kusipo; tichitarisira ruponeso, asi rwakaramba ruri kure nesu.+ 12 Nokuti kumukira kwedu kwawanda pamberi penyu;+ uye chimwe nechimwe chezvivi zvedu chinotipupurira.+ Nokuti kumukira kwedu kunesu; uye tinonyatsoziva kukanganisa kwedu.+ 13 Kudarika nokuramba Jehovha zvaivapo;+ uye kudzoka shure tichisiya Mwari wedu kwaivapo, kutaura nezvokudzvinyirira nokumukira,+ kubata pamuviri nokugunun’una mashoko enhema zvinobva pamwoyo.+ 14 Kururamisira kwakamanikidzwa kudzoka shure,+ uye kururama kwakangoramba kumire kure.+ Nokuti chokwadi chakundikana munzvimbo inoungana vanhu, uye zvakarurama hazvikwanisi kupinda.+ 15 Chokwadi chinoshayikwa,+ uye ani naani anobva pane zvakaipa ari kupambwa.+
Jehovha akazviona, uye zvakanga zvakaipa pamberi pake kuti kwakanga kusina kururamisira.+ 16 Zvino paakaona kuti kwakanga kusina munhu, akakatyamadzwa kuti kwakanga kusina murevereri.+ Ruoko rwake rwakaponesa nokuda kwake, uye kururama kwake kwaiva chinhu chaimutsigira.+ 17 Akabva apfeka kururama senguo yokuzvidzivirira nayo ine simbi,+ nengowani yoruponeso mumusoro make.+ Akapfekawo nguo dzokutsividza sezvinoitwa zvipfeko,+ akazviputira nokushingaira sokufukwa kunoitwa jasi risina maoko.+ 18 Achapa mubayiro wakaenzana maererano nezvakaitwa,+ achaitira mhandu dzake hasha uye vavengi vake zvakakodzera.+ Achatsiva zvitsuwa zvazvinofanira kuitirwa.+ 19 Vachatya zita raJehovha+ kubvira kumavirazuva, uye kubwinya kwake kubvira kumabvazuva,+ nokuti achapinda sorwizi runotambudza, rwasundwa nomudzimu waJehovha.+
20 “Mudzikinuri+ achauya kuZiyoni,+ uye kune vaya vanobva pakudarika pakati paJakobho,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 “Zvino iyi ndiyo sungano yangu yandakaita navo,”+ Jehovha adaro.
“Mudzimu wangu uri pauri+ uye mashoko angu andaisa mumuromo mako+—haazobviswi mumuromo mako kana mumuromo mevana vako kana mumuromo mevana vevana vako,” Jehovha adaro, “kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.”+