VaFiripi
4 Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa nedzandinosuwa, mufaro wangu nekorona yangu,+ mirai makasimba+ munaShe saizvozvo, vadiwa.
2 Ndinorayira Yudhiya uye ndinorayira Sindike kuti vave nokufunga kwakafanana+ munaShe. 3 Chokwadi, ndinokukumbirawo, iwe shamwari yangu yechokwadi yandiinayo pajoko,+ ramba uchibatsira vakadzi ava vakabishaira pamwe chete neni+ nokuda kwemashoko akanaka pamwe chete naKremendi nevamwe vose vanoshanda neni,+ vane mazita+ ari mubhuku roupenyu.+
4 Garai muchifara munaShe.+ Ndinotizve, Farai!+ 5 Kunzwisisa+ kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose. Ishe ari pedyo.+ 6 Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho,+ asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari+ nokunyengetera nokuteterera+ pamwe chete nokuonga; 7 uye rugare+ rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu+ nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.
8 Pakupedzisira, hama, zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena,+ zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.+ 9 Zvinhu zvamakadzidza nokugamuchira nokunzwa nokuona pamusoro pangu, itai izvi;+ uye Mwari worugare+ achava nemi.
10 Ndinofara kwazvo munaShe kuti zvino pakupedzisira mamutsidzira kundifunga kwenyu,+ kwamainyatsofunga nezvakwo, asi maishayiwa mukana. 11 Handisi kutaura nezvokushayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana,+ mumamiriro ezvinhu ose andinenge ndiri. 12 Chokwadi ndinoziva zvazvinoreva kuva nezvinhu zvishoma,+ chokwadi ndinoziva zvazvinoreva kuva nezvizhinji. Muzvinhu zvose uye mumamiriro ose ezvinhu ndakadzidza zvazvinoreva kuva akaguta nokuva ane nzara, zvose zviri zviviri kuva nezvizhinji uye kushayiwa.+ 13 Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.+
14 Kunyange zvakadaro, imi makaita zvakanaka nokuti makatambudzika pamwe chete neni.+ 15 Chokwadi, imi vaFiripi, munozivawo kuti pakatanga kuziviswa mashoko akanaka, pandakabva kuMakedhoniya, hapana kana ungano imwe chete yakandigovera munyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu imi moga;+ 16 nokuti, kunyange ndiri muTesaronika, imi makanditumira chimwe chinhu kekutanga nekechipiri pane zvandaida. 17 Hakusi kuti ndiri kutsvaka nomwoyo wose chipo chacho,+ asi kuti ndiri kutsvaka nomwoyo wose zvibereko+ zvinokupfumisai. 18 Zvisinei, ndine zvinhu zvose zvakakwana uye ndine zvizhinji. Ndaguta, zvino zvandagamuchira kuna Epafrodhito+ zvinhu zvabva kwamuri, iko kunhuhwirira kwakanaka,+ icho chibayiro chinogamuchirika,+ chinofadza Mwari kwazvo. 19 Mwari+ wangu ane pfuma+ zhinji kwazvo, achakupaiwo zvose zvamunoda+ achishandisa Kristu Jesu. 20 Zvino kubwinya ngakuve kuna Mwari wedu uye Baba vedu nokusingaperi-peri.+ Ameni.
21 Ndikwazisireiwo+ vatsvene vose vari pamwe+ naKristu Jesu. Hama dzandiinadzo dzinokukwazisai. 22 Vatsvene vose, asi kunyanya vaya veimba yaKesari, vanokukwazisai.+
23 Mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu ngauve nemafungiro amunoratidza.+