1 VaTesaronika
4 Pakupedzisira, hama, tinokukumbirai uye tinokurayirai naShe Jesu, sokugamuchira kwamakaita kurayiridza kwakabva kwatiri pamusoro pemafambiro+ amunofanira kuita kuti mufadze Mwari, sokufamba kwamuri kuita, kuti murambe muchiwedzera kuzviita zvizere.+ 2 Nokuti munoziva mirayiro+ yatakakupai nokuna Ishe Jesu.
3 Nokuti izvi ndizvo zvinoda Mwari, kuti mutsveneswe,+ kuti murege ufeve;+ 4 kuti mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake+ oga muutsvene+ nokukudzwa, 5 kwete pakuda kurara nomumwe munhu kworuchiva+ sezvinoitawo mamwe marudzi+ aya asingazivi Mwari;+ 6 kuti parege kuva nomunhu anosvika pakukuvadza opindira pakodzero dzehama yake panyaya iyi,+ nokuti Jehovha ndiye anoranga nokuda kwezvinhu zvose izvi,+ sezvatakakuudzai zvisati zvaitika, tikakupupuriraiwo kwazvo.+ 7 Nokuti Mwari akatidana, asingabvumiri zvinhu zvisina kuchena, asi maererano noutsvene.+ 8 Naizvozvo, munhu anozvidza+ haasi kuzvidza munhu, asi ari kuzvidza Mwari,+ uyo anoisa mudzimu wake mutsvene+ mamuri.
9 Zvisinei, kana kuri kudanana sehama,+ hatifaniri hedu kuti tikunyorerei, nokuti imi munodzidziswa naMwari+ kuti mudanane;+ 10 uye, chokwadi, muri kuzviitira hama dzose dziri muMakedhoniya yose. Asi tinokurayirai, hama, kuti murambe muchizviita zvizere, 11 uye kuti muvavarire kugara makanyarara,+ muchiva nehanya nezvinhu zvenyu moga+ nokushanda nemaoko enyu,+ sezvatakakurayirai; 12 kuti mufambe nenzira yakakodzera+ kuvanhu vari kunze+ uye pasina chamunoshayiwa.+
13 Zvakare, hama, hatidi kuti musaziva pamusoro pevaya vari kurara murufu;+ kuti murege kusuruvara sezvinoitawo vamwe vose vasina tariro.+ 14 Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa akamukazve,+ saizvozvowo, vaya vakarara murufu pamwe naJesu, Mwari achavaunzawo pamwe chete naye.+ 15 Nokuti izvi ndizvo zvatinokuudzai tichishandisa shoko raJehovha,+ kuti isu vapenyu tinenge tichirarama pakuvapo kwaShe+ hatizombotangiri vakarara murufu; 16 nokuti Ishe achaburuka kudenga+ achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru+ nebhosvo+ raMwari, uye vaya vakafa vari pamwe naKristu vachatanga kumuka.+ 17 Pashure paizvozvo isu vapenyu tiri kurarama, tichatorwa+ mumakore,+ pamwe chete navo,+ kuti tisangane+ naShe mumhepo; uye nokudaro tichava naShe nguva dzose.+ 18 Naizvozvo rambai muchinyaradzana nemashoko aya.