1 VaTesaronika
5 Zvino hama, kana dziri nguva nemwaka,+ hamufaniri henyu kunyorerwa chinhu. 2 Nokuti imi munonyatsoziva kuti zuva raJehovha+ riri kuuya sezvinonyatsoita mbavha usiku.+ 3 Chero panguva yavachati:+ “Rugare+ nokuchengeteka!” kuparadzwa+ kusingatarisirwi kuchabva kwakurumidza kuvawira sokurwadziwa kwomukadzi ane pamuviri;+ uye havangambopukunyuki.+ 4 Asi imi, hama, hamusi murima,+ kuti zuva iroro rikusvikirei sezvaringaita mbavha,+ 5 nokuti imi mose muri vanakomana vechiedza+ nevanakomana vemasikati.+ Isu hatisi vousiku kana verima.+
6 Naizvozvo, ngatiregei kuramba takarara+ sezvinoita vamwe vose,+ asi ngatirambei takamuka,+ takasvinura.+ 7 Nokuti vaya vanorara+ vakajaira kurara usiku,+ uye vanodhakwa vanowanzodhakwa usiku. 8 Asi kana tiri isu vemasikati, ngatisvinurei tipfeke chinhu chinovhariridza chipfuva,+ chokutenda+ uye rudo uye tariro yoruponeso+ sengowani;+ 9 nokuti Mwari haana kutisarudza kuti atiitire hasha,+ asi kuti tiwane ruponeso+ naShe wedu Jesu Kristu.+ 10 Iye akatifira,+ kuti, kana tikaramba takamuka kana kuti takarara, tizorarama pamwe chete naye.+ 11 Naizvozvo rambai muchinyaradzana nokuvakana,+ sezvamuri kutoita chaizvo.+
12 Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze vaya vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai+ munaShe uye vachikurayirai; 13 uye kuti muvakudze kwazvo murudo nokuda kwebasa ravo.+ Itai kuti muve norugare nevamwe.+ 14 Uyewo, tinokukumbirai, hama, rayirai vaya vanofamba zvisina kukodzera,+ taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo,+ tsigirai vasina simba, itirai mwoyo murefu+ vanhu vose. 15 Onai kuti hapana anotsiva zvinokuvadza nezvinokuvadza kune mumwe munhu,+ asi garai muchitevera zvakanaka kune mumwe nomumwe nokune vamwe vose.+
16 Farai+ nguva dzose. 17 Rambai muchinyengetera.+ 18 Ongai pamusoro pezvinhu zvose.+ Nokuti izvi ndizvo zvinodiwa naMwari pamwe naKristu Jesu kwamuri. 19 Musadzima moto womudzimu.+ 20 Musazvidza zvinoprofitwa.+ 21 Ivai nechokwadi nezvinhu zvose;+ batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo.+ 22 Regai zvakaipa zvose.+
23 Iye Mwari worugare+ ngaakutsvenesei zvakakwana.+ Mafungiro enyu imi hama nomweya nomuviri ngazvichengetedzwe zvakanaka muzvinhu zvose pasina chazvinopomerwa pakuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu.+ 24 Iye anokudanai akatendeka, uye achazviitawo.
25 Hama, rambai muchitinyengeterera.+
26 Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.+
27 Ndiri kukurayirai kwazvo naShe kuti munosungirwa kuti tsamba ino iverengerwe hama dzose.+
28 Mutsa usina kukodzera kuwanwa+ waShe wedu Jesu Kristu ngauve nemi.