RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 12:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 Gare gare akabva ipapo akaenda kunzvimbo ine makomo kumabvazuva kweBheteri,+ akadzika tende rake, Bheteri riri kumavirira uye Ai+ riri kumabvazuva. Akabva avakira Jehovha atari ipapo,+ akatanga kudana zita raJehovha.+

  • Genesisi 27:27
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 27 Naizvozvo akaswedera pedyo, akavatsvoda, vakanzwa kunhuhwirira kwenguo dzake.+ Vakamukomborera vakati:

      “Tarira, kunhuwirira kwomwanakomana wangu kwakaita sokunhuwirira kwesango rakakomborerwa naJehovha.

  • Genesisi 28:16
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 16 Jakobho akabva amuka pahope dzake akati: “Chokwadi Jehovha ari munzvimbo ino asi ini handina kuzviziva.”

  • 2 Samueri 7:23
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 23 Ndorupi rumwe rudzi panyika rwakafanana nevanhu venyu vaIsraeri,+ vakadzikinurwa naMwari kuti vave rudzi rwake,+ kuti aite kuti zita rake rikurumbire,+ kuti avaitire zvinhu zvikuru nezvinotyisa+—kuti mudzinge marudzi navanamwari vawo, nokuda kwevanhu venyu, vamakadzikinura+ muIjipiti kuti vave venyu?

  • Pisarema 9:16
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 16 Jehovha anozivikanwa nokutonga kwaakaita.+

      Munhu akaipa ateyiwa nebasa remaoko ake.+

      Higayoni. Sera.

  • Isaya 52:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Nokuda kwaizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu,+ uyewo nokuda kwaizvozvo vachaziva muzuva iroro, nokuti ndini Iye ari kutaura.+ Tarirai! Ndini iye.”

  • Jeremiya 16:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 “Naizvozvo tarirai ndiri kuita kuti vazive; panguva ino chete ndichaita kuti vazive ruoko rwangu uye kuva nesimba kwangu,+ uye vachaziva kuti ndinonzi Jehovha.”+

  • Jeremiya 32:20
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 20 imi makaita zviratidzo nezvishamiso munyika yeIjipiti kusvikira nhasi nepakati paIsraeri uye pakati pevanhu, kuti muzviitire zita,+ sezvazvakaita nhasi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe