6 Naizvozvo Jonatani akati kumushandi wacho, mutakuri wezvombo zvake: “Uya tiyambukire kuboka revarwi vanorinda revarume ava vasina kudzingiswa.+ Zvichida Jehovha achatishandira, nokuti hapana chinotadzisa Jehovha kuponesa nevazhinji kana kuti nevashomanana.”+