Zvirevo
29 Munhu anongoramba achitsiurwa+ asi achiomesa mutsipa wake+ achangoerekana atyorwa, uye haazombopori.+
2 Kana vakarurama vakava vazhinji, vanhu vanofara;+ asi kana munhu akaipa achitonga, vanhu vanogomera.+
3 Munhu anoda uchenjeri anoita kuti baba vake vafare,+ asi munhu anoshamwaridzana nepfambi anoparadza zvinhu zvinokosha.+
4 Kana mambo akaruramisira, anoita kuti nyika irambe yakamira,+ asi munhu anoda pfumbamuromo anoiparadza.+
5 Murume anotaurira shamwari yake zvokubata kumeso+ anotambanudzira tsoka dzake mambure.+
6 Pakudarika kwomunhu akaipa pane musungo,+ asi munhu akarurama anoshevedzera nomufaro uye anofara.+
7 Munhu akarurama ane hanya nokuziva mhosva yevakaderera.+ Munhu akaipa haana hanya nokuziva izvozvo.+
8 Varume vanotaura vachizvirumbidza vanopisa taundi,+ asi vaya vakachenjera vanodzora kutsamwa.+
9 Kana munhu akachenjera ava kutongana nebenzi—iro rinotsamwa uyewo rinoseka, uye iye haazorori.+
10 Varume vanoda kuteura ropa vanovenga munhu asina chaanopomerwa;+ asi vakarurama, vanoramba vachitsvaka mweya womumwe nomumwe.+
11 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama kusvikira pakupedzisira.+
12 Kana mutongi achiteerera mashoko enhema, vose vanomushandira vachava vakaipa.+
13 Murombo nomunhu anodzvinyirira vanosangana pamwe chete;+ asi Jehovha anovhenekera maziso avo vose.+
14 Kana mambo achitonga vakaderera nokutendeka,+ chigaro chake chichasimbiswa kwazvo kwenguva yose.+
15 Shamhu nokutsiura ndizvo zvinopa uchenjeri;+ asi mukomana anongoregwa hake achanyadzisa amai vake.+
16 Kana vakaipa vakava vazhinji, kudarika kunowanda; asi vaya vakarurama vachaona kuparara kwavo.+
17 Ranga mwanakomana wako, akuunzire zororo uye afadze mweya wako kwazvo.+
18 Kana vanhu vasina zvavanoratidzwa havadzoreki,+ asi vaya vanochengeta mutemo vanofara.+
19 Mushandi haazobvumi kururamiswa nemashokowo zvawo,+ nokuti anonzwisisa asi haateereri.+
20 Unoona munhu anokurumidza kutaura here?+ Benzi rine tariro kupfuura iye.+
21 Kana munhu achitunhira mushandi wake kubvira achiri muduku, iye achazova munhu asingaongi muupenyu hwake hwapashure.
22 Munhu asingatani kutsamwa anomutsa kukakavara,+ uye munhu anoda hasha anodarika kazhinji.+
23 Kuzvikudza kwomunhu wepanyika kuchamuninipisa,+ asi anozvininipisa achakudzwa.+
24 Munhu anoshamwaridzana nembavha anovenga mweya wake.+ Anganzwa mhiko yokutuka, asi hapana zvaanotaura.+
25 Kutya munhu ndiko kunounza musungo,+ asi anovimba naJehovha achadzivirirwa.+
26 Kune vazhinji vanotsvaka kunzwirwa nyasha nomutongi,+ asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.+
27 Munhu asingaruramisiri chinhu chinosemesa vakarurama,+ asi munhu akarurama munzira dzake anosemesa munhu akaipa.+