Pisarema 141:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Regai kuita kuti mwoyo wangu urerekere kuchinhu chero chipi zvacho chakaipa,+Kuti ndirambe ndichiita mabasa omukurumbira wakaipa mune zvakaipa+Pamwe chete nevanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza,+Kuti ndisadya zvinhu zvavo zvinonaka.+ 1 VaKorinde 5:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Asi zvino ndiri kukunyorerai kuti murege kufambidzana+ nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara+ kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa+ kana gororo, musambodya nomunhu akadaro. VaEfeso 5:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 uye regai kugoverana+ navo mumabasa asina zvibereko erima,+ asi, itoashorai,+ 2 Johani 11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Nokuti uyo anomukwazisa anogoverana naye mumabasa ake akaipa.+ Zvakazarurwa 18:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga richiti: “Budai mariri, vanhu vangu,+ kana musingadi kugovana naro zvivi zvaro,+ uye kana musingadi kuwana mamwe matambudziko aro.
4 Regai kuita kuti mwoyo wangu urerekere kuchinhu chero chipi zvacho chakaipa,+Kuti ndirambe ndichiita mabasa omukurumbira wakaipa mune zvakaipa+Pamwe chete nevanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza,+Kuti ndisadya zvinhu zvavo zvinonaka.+
11 Asi zvino ndiri kukunyorerai kuti murege kufambidzana+ nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara+ kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa+ kana gororo, musambodya nomunhu akadaro.
4 Ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga richiti: “Budai mariri, vanhu vangu,+ kana musingadi kugovana naro zvivi zvaro,+ uye kana musingadi kuwana mamwe matambudziko aro.