RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 14:21
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 21 Zvino Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa;+ Jehovha akatanga kudzorera shure gungwa achishandisa mhepo yokumabvazuva ine simba usiku hwose, uye kuchinja pasi pegungwa kuva nyika yakaoma,+ uye mvura yakanga ichikamurwa.+

  • Numeri 11:31
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 31 Zvino mhepo+ yakabva kuna Jehovha, ikatanga kuuyisa zvihuta kubva kugungwa+ ichizviwisira pamusasa, zvikavapo munzvimbo ingaita rwendo rwezuva rimwe chete kuenda uku uye rwendo rwezuva rimwe chete kuenda uko, kupoteredza musasa wose, uye zvikaita anenge makubhiti maviri pamusoro penyika.

  • Pisarema 78:26
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 26 Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga+

      Uye akaita kuti mhepo yokumaodzanyemba ivhuvhute nesimba rake.+

  • Pisarema 107:25
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 25 Matauriro aanoita shoko racho omutsa dutu guru,+

      Zvokuti rinosimudza mafungu aro.+

  • Pisarema 147:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 Anotuma shoko+ rake ozvinyungudutsa.

      Anoita kuti mhepo yake ivhuvhute;+

      Mvura inoyerera.

  • Jona 1:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Zvino Jehovha akatuma mhepo huru pagungwa,+ pagungwa pakava nemhepo huru ine mvura;+ uye ngarava yacho yakanga yava kuda kuparadzwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe