Dheuteronomi 30:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Jehovha Mwari wako achadzosawo vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira ngoni,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ose aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+ Pisarema 53:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Haiwa, kudai muZiyoni maiva noruponeso rukuru rwaIsraeri!+Jehovha paanodzosa vaya vakatapwa pavanhu vake,+Jakobho ngaafare, Israeri ngaafare.+ Jeremiya 27:22 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 22 ‘“Ichaendeswa kuBhabhironi+ uye icharamba iri ikoko kusvikira pazuva randichafunga nezvayo,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaidzosa, ndoidzorera kunzvimbo ino.”’”+ Jeremiya 29:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Ndichaita kuti mundiwane,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichaunganidza boka renyu renhapwa, ndokuunganidzai muchibva kumarudzi ose nokunzvimbo dzose dzandakakuparadzirai kwadziri,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichakudzosai kunzvimbo yandakaita kuti mubviswe pamakatapwa.’+ Ezekieri 39:25 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 25 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Zvino ndipo pandichadzosa vakatapwa vaJakobho+ ndonzwira ngoni imba yose yaIsraeri;+ uye ndicharatidza kuzvipira kwakazara nokuda kwezita rangu dzvene.+ Joeri 3:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 “Nokuti, tarirai! mumazuva iwayo nomunguva iyoyo,+ pandichadzosa nhapwa dzaJudha neJerusarema,+ Amosi 9:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Ndichadzosa nhapwa dzevanhu vangu vaIsraeri,+ vachavaka maguta akaitwa matongo vogara maari,+ vachadyara minda yemizambiringa vonwa waini yayo uye vacharima minda vodya zvibereko zvayo.’+
3 Jehovha Mwari wako achadzosawo vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira ngoni,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ose aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+
6 Haiwa, kudai muZiyoni maiva noruponeso rukuru rwaIsraeri!+Jehovha paanodzosa vaya vakatapwa pavanhu vake,+Jakobho ngaafare, Israeri ngaafare.+
22 ‘“Ichaendeswa kuBhabhironi+ uye icharamba iri ikoko kusvikira pazuva randichafunga nezvayo,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaidzosa, ndoidzorera kunzvimbo ino.”’”+
14 Ndichaita kuti mundiwane,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichaunganidza boka renyu renhapwa, ndokuunganidzai muchibva kumarudzi ose nokunzvimbo dzose dzandakakuparadzirai kwadziri,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichakudzosai kunzvimbo yandakaita kuti mubviswe pamakatapwa.’+
25 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Zvino ndipo pandichadzosa vakatapwa vaJakobho+ ndonzwira ngoni imba yose yaIsraeri;+ uye ndicharatidza kuzvipira kwakazara nokuda kwezita rangu dzvene.+
14 Ndichadzosa nhapwa dzevanhu vangu vaIsraeri,+ vachavaka maguta akaitwa matongo vogara maari,+ vachadyara minda yemizambiringa vonwa waini yayo uye vacharima minda vodya zvibereko zvayo.’+