Dheuteronomi
30 “Zvino kana mashoko ose aya akaitika kwauri, chikomborero+ nokutukwa,+ zvandaisa pamberi pako, ukazviyeuka nomwoyo wako+ uri pakati pemarudzi ose aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako,+ 2 ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako+ uye ukateerera inzwi rake maererano nezvose zvandiri kukurayira nhasi, iwe nevanakomana vako, nomwoyo wako wose nomweya wako wose,+ 3 Jehovha Mwari wako achadzosawo vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira ngoni,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ose aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+ 4 Kana vanhu vako vakaparadzirwa vakava kunogumira matenga, Jehovha Mwari wako achakuunganidza uchibva ikoko uye achakutora kubva ikoko.+ 5 Jehovha Mwari wako achakuunza munyika yakatorwa nemadzibaba ako kuti ive yawo, uye uchaitora kuti ive yako; achakuitira zvakanaka oita kuti uwande kupfuura madzibaba ako.+ 6 Jehovha Mwari wako achadzingisa mwoyo wako+ nemwoyo yevana vako,+ kuti ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uchizviita nokuda kwoupenyu hwako.+ 7 Jehovha Mwari wako achaisa kutuka uku kwose pavavengi vako nevaya vanokuvenga, vanenge vakutambudza.+
8 “Asi iwe uchatendeuka, woteerera inzwi raJehovha, woita mirayiro yake yose yandiri kukurayira nhasi.+ 9 Jehovha Mwari wako achaita kuti uve nezvakawandisa pamabasa ose oruoko rwako,+ pazvibereko zvedumbu rako nezvibereko zvezvipfuwo zvako+ nezvibereko zvevhu rako,+ zvichiguma nokubudirira;+ nokuti Jehovha achafarirazve kuti uite zvakanaka, sokufarira kwaakaita madzitateguru ako;+ 10 nokuti uchateerera inzwi raJehovha Mwari wako kuti uchengete mirayiro yake nemirau yake yakanyorwa mubhuku rino romutemo,+ nokuti uchadzoka kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.+
11 “Nokuti murayiro uyu wandiri kukurayira nhasi hauna kunyanya kukuomera, uyewo hausi kure.+ 12 Hausi kumatenga, kuti muti, ‘Ndiani achatikwirira kumatenga, kunotitorera iwo, kuti aite kuti tiunzwe kuti tiuite?’+ 13 Uyewo hausi mhiri kwegungwa, kuti muti, ‘Ndiani achatiyambukira mhiri kwegungwa, kunotitorera iwo, kuti aite kuti tiunzwe kuti tiuite?’ 14 Nokuti shoko racho riri pedyo kwazvo newe, mumuromo mako nomumwoyo mako,+ kuti uriite.+
15 “Ona, nhasi ndinoisa pamberi pako upenyu nezvakanaka, uye rufu nezvakaipa.+ 16 Kana ukateerera mirayiro yaJehovha Mwari wako, yandiri kukurayira nhasi, kuti ude Jehovha Mwari wako,+ kuti ufambe munzira dzake nokuchengeta mirayiro+ yake nemirau yake nezvaakatonga,+ ucharamba uri mupenyu+ uye uchawanda, uye Jehovha Mwari wako achakukomborera munyika yauri kuenda kunotora kuti ive yako.+
17 “Asi kana mwoyo wako ukatsauka, ukasateerera,+ ukanyengedzwa, wokotamira vamwe vanamwari nokuvashumira,+ 18 ndinokuudzai nhasi kuti chokwadi muchaparara.+ Hamuzovi nemazuva mazhinji panyika yamuchayambukira Jodhani kuti muitore ive yenyu. 19 Ndinoshevedza matenga nenyika kuti zvikupupurirei nhasi,+ kuti ndaisa upenyu norufu pamberi penyu,+ uye chikomborero+ nokutukwa;+ naizvozvo sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu,+ imi nevana venyu,+ 20 nokuda Jehovha Mwari wenyu,+ nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari;+ nokuti iye ndiye upenyu hwenyu nokuwanzwa kwemazuva enyu,+ kuti mugare panyika yakapikirwa naJehovha kuti achapa madzitateguru enyu Abrahamu, Isaka naJakobho.”+