RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezra 1:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 1 Zvino mugore rokutanga raKoreshi+ mambo wePezhiya, kuti shoko raJehovha rakabuda mumuromo maJeremiya+ riitike, Jehovha akamutsa+ mwoyo waKoreshi mambo wePezhiya zvokuti akaita kuti kushevedzera+ kuitwe muumambo hwake hwose, uyewo akanyora,+ achiti:

  • Isaya 21:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 2 Ndakaratidzwa chiratidzo chinorwadza:+ Mutengesi anonyengera ari kunyengera, uye mupambi ari kupamba.+ Kwira, haiwa iwe Eramu! Komba, haiwa iwe Medhiya!+ Ndagumisa kugomera kwose kunokonzerwa naye.+

  • Isaya 45:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 45 Zvanzi naJehovha kumuzodziwa+ wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi,+ kuti ndikunde marudzi pamberi pake,+ kuti ndisunungure hudyu dzemadzimambo; kuti ndimuvhurire masuo ane madhoo maviri, zvokuti kunyange magedhi haazovharwi:

  • Jeremiya 50:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Nokuti tarirai ndichamutsa uye ndichaunza ungano yemarudzi makuru kuti irwise Bhabhironi ichibva kunyika yokuchamhembe,+ vachagadzirira kurwa naro.+ Richakundirwa ikoko.+ Miseve yawo yakaita seiya yomurume ane simba ari kuita kuti vana vashayike, asingadzoki asina chaaita.+

  • Dhanieri 6:28
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 28 Zvino Dhanieri uyu, akabudirira muumambo hwaDhariyasi+ nomuumambo hwaKoreshi muPezhiya.+

  • Dhanieri 9:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Mugore rokutanga raDhariyasi+ mwanakomana waAhashivheroshi wokuvana vevaMedhiya,+ akanga agadzwa kuti ave mambo woumambo hwevaKadheya;+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe